Fara Ugowa NekutendaSample

Mwari Vakatarira
Patiri kukura muna Kristu, kubudikidza naPauro, chinhu chatinofanira kuzikanwa nacho unyoro unooneka zvizere. Chiratidzo chatinoona kuti Kristu anorarama matiri kuva vanyoro. Shoko iri rinoratidza munhu ane kunzwisisa, nekuzvininipisa uye nekuratidza nyasha. Kana tiine nyasha dzaJesu Kristu dzichatisunungura kubva mukuzvipa mbiri isina tsarukano. Takasununguka kuti tive tinokura, nokudaro hatifanire kunge tichizvipa mbiri isiriyo; takasununguka kunge tichishanduka, nokudaro tinogamuchira kutsiurwa; tinezvibereko kuna Ishe, nokudaro Ishe vanotidzivirira, ndiye simba redu. Achamira nesu pahondo dsose.
Pauro anoburitsa pachena pamusoro pehunyoro, anoti zvinofanira kuratidzwa pachena. SemuKristu unyoro hwako ngauonekwe, ngauratidzwe, ugotaurira vamwe pamusoro pahwo! Nechikonzero chei? Nekuda kwekuti zvinodzivirira kusaita makwikwi nevanhu. Kana tikanyepera setinoziva zvese, vanhu vachada kuvhunzurudza pamusoro peruzivo rwatiinarwo. Kuzvikudza kunowisira vanhu wakawanda pasi. Tinofanira kuburitsa chokwadi chezvatiri nevanhu.
Nerumwe rutivi, kana tiri vanhu wakasununguka, vanogamuchira, vanodzidzisika, vainesimba rinobva kuna Kristu, vaine chinangwa chekurumbidza Mwari, uye vachifarira kusimudzira wamwe, tichava vanhu wakura pakuziva Mwari. Hunyoro uhwu hwunokurumidza kuziva zvinodiwa naIshe nekuva nesimba rekugadzirisa patakawira pasi. Unyoro hwako ngauzivikanwe nhasi.
Munamato: Baba vedu vari kudenga, ndinouya pamberi penyu neunyoro. Isai mandiri mweya weunyoro kuti ndikwanise kuona wamwe vachindidarikawo pakunaka. Ndibatsirei pakufamba zvakarurama ndichiziva kuti munotarira nzira dzangu. Ndibatsirei ndigoone kumira pamazuva akaipa, nekugara muuvapo hwenyu. Muzita raJesu. AMENI.
Kuwedzera Kuverenga: Jakobo 2:13 | VaKorose 3:12-15 | Mateo 6:25-34.
Scripture
About this Plan

Pauro anoratidza mufaro wake pamwechete nekutenda VaFiripi nerubatsiro rwaakawana kubva kwavari. Kuwedzera pane zvipo izvozvo, vatendi vakazvipira kutumira mari munguva yaaive ari mutirongo. Mwari vanoziva zvatinoda paupenyu, nekutivimbisa kutipa izvozvo. Tinoziva kuti tikauya nezvikumbiro kwaari, achatipa simba rekurarama nekukunda pane zvinonetsa. Ndiye simba redu.
More
Related Plans

Overcoming the Trap of Self-Pity

16 Characteristics of the God-Kind of Love - 1 Corinthians 13:4-8

Who Am I, Really? Discovering the You God Had in Mind

UNPACK This...Being a Good Teammate in Life

Living Like Jesus in a Broken World

Seasons of Hardship: Live the Jesus Way

Positive and Encouraging Thoughts for Women: A 5-Day Devotional From K-LOVE

Don’t Know What You’re Doing After Graduation? Good.

Reimagine Influence Through the Life of Lydia
