YouVersion Logo
Search Icon

Kuropafadzwa KwakapfuurisaSample

Kuropafadzwa Kwakapfuurisa

DAY 3 OF 3

TAKAISWA KARE PACHINZVIMBO

Nyika isati yavambwa, Mwari akagadzira kuti vanhu vake (kereke) richava boka kubva mukati menyika richazosarudzwa kuva vanakomana nevanasikana. Nekudaro, vose vanotenda nekuteerera vhangeri yake vachava vakomana nevasikana vaMwari. Sevanhu vaMwari, vakagadzirirwa musha wekudenga. Chokwadi chekuti Mwari vakagadzira nzira yeruponeso nyika ino isati yavambwa zvinoratidza kuti zvakanga zvakarongwa kare. Nokudaro mumwe nemumwe akagadzirirwa kuenda kudenga ari mukati mekereke nekuti akatenda kuti kereke yakasukwa neropa raJesu uye ikabviswa kubva mukati menyika kuti izova nekugara nekusingaperi.

Tinofanira kutarisa kumuchinjiko uko kwatinofanira kuva nemhinduro dzedu. Nekudaira kushoko remuchinjiko, makrristu takatogadzirirwa nzvimbo. Tinofanira kugara tichiziva kuti kereke ndiyo yakagadzirirwa nzvimbo. Mumwe nemumwe akasarudzwa anova ari mukati mekereke, apo tinozvipira kusarudza upenyu hwekusiya zvimwe zvinhu kuti tive nhengo dzesangano. Makristu ose, varume nevakadzi vanova “vana” mukuva vadyi venhaka yavachazopiwa naBaba vawo vekudenga.

Munamato: Baba vekudenga tinotenda nerudo nenyasha zvenyu kuti makatipa Jesu kuti azotifira. Tinotenda kuti ropa raJesu rakasuka zvivi zvedu. Gadzirai mandiri moyo wakachena kuti ndikwanise kuchengeta kutenda. Tibatsirei tose, kubudikidza nemweya mutsvene, titungamirirwe kusvika kumusha wedu wekupedzisira tisina chipomerwa. Tinokudza zita renyu, muzita raJesu rine simba. AMENI.

Kuwedzera Kuverenga: VaGaratiya 4:1-7 | Johani 1:12 | VaEfeso 1:9.

Scripture

About this Plan

Kuropafadzwa Kwakapfuurisa

Mukati meguta mune uipi hwakanyanyisa, Pauro anonyora kuti makristu azive izvo Mwari zvavanofunga pamusoro pevanhu. Mwari vanotida. Kumuziva kwedu zvakanyanya, ndiko kunzwisisawo kwedu rudo rwake kwatiri. Tose tinotarisira kudiwa nekugamuchirwa kwakanaka, uye kunofadza. Kumakristu, takadiwa nekusarudzwa naMwari nyika isati yavambwa. Tiri wake uye vamwe vemhuri yake.

More