YouVersion Logo
Search Icon

Kuropafadzwa KwakapfuurisaSample

Kuropafadzwa Kwakapfuurisa

DAY 2 OF 3

WAKASARUDZWA NAMWARI

Kristu wakatisarudza uye wakapindira kuti vakwanise kutikomborera paupenyu hwedu wakanga wakashama. Vakatiisa pakakwirira nekutichengetedza kuti muukama hwedu nemhuri, shamwari, nevamwe vedu mukereke, kunyange vatinoshanda nawo tikwanise kuratidza zvikomborero zvedu nekuvapawo tariro. Kugamuchirwa kwedu naMwari muna Kristu Jesu kunoreva kuramba tichingodururirwa nyasha, kupiwa nyasha nekuzara kwadzo kurevawo kuti tirambe tichikomborerawo vamwe nekuvasimudzira.

Unoziva here kuti wakasarudzwa nekukomborerwa? Kusarudzwa nekukomborerwa ndicho chinhu chikuru kudarika minana yose. Mwari vanoti, “Uri Mudiwa wangu. Unokodzera kuva kwandiri.” Kuita kwaMwari mukudzikinura vanhu vake kubva muzvivi nerufu hazvina kungoerekana zvoitika, asi Mwari vakanga vakazvironga kubva kare, “muna Kristu.” Apo Mwari paakasarudza vanhu murudo rwake, havana chikwereti chingade kubhadharwa pakuponeswa kwawo. Mwari vakanga vazvipira kuti vawe vanhu vake.

Mwari vakatisarudza nechinangwa chekuti tive vatsvene vasina chipomerwa pamberi pake. Uku hakusi kuda kwedu makristu, asi chinangwa chekusarudzwa. Tisu makristu tichava nekucheneswa kubudikidza nekuzvipira kwaKristu, gwayana rechibairo kuti tose tigosukwa zvivi zvedu. Kuti uwewo unosarudzwa, mumwe nemumwe anofanira kuva umwe weboka raKristu kubudikidza nekuteerera vhangeri, ukadaro wawe kukwanisa kuwana upenyu usingaperi.

Munamato: Mwari vekudenga, tinosimudzira zita renyu rinokosha. Nyasha dzenyu hadzina mugumo uye mune rudo rusingagume. Tinoninipiswa nerudo rwenyu rwekutisarudza. Tsitsi dzenyu dzinogara nekusingaperi, neuchenjeri hwenyu hauna anodarika. Ndibatsirei ndirarame utsvene hwamunoda imi. Muzita raJesu ndinonamata. AMENI.

Kuwedzera Kuverenga: VaFiripi 2:15 | VaKorose 1:22 | VaRoma 8:28.

Scripture

About this Plan

Kuropafadzwa Kwakapfuurisa

Mukati meguta mune uipi hwakanyanyisa, Pauro anonyora kuti makristu azive izvo Mwari zvavanofunga pamusoro pevanhu. Mwari vanotida. Kumuziva kwedu zvakanyanya, ndiko kunzwisisawo kwedu rudo rwake kwatiri. Tose tinotarisira kudiwa nekugamuchirwa kwakanaka, uye kunofadza. Kumakristu, takadiwa nekusarudzwa naMwari nyika isati yavambwa. Tiri wake uye vamwe vemhuri yake.

More