Kuratidza Simba RekutendaSample

RUTENDO MUMABASA
Chirema chakanga chiri muchimiro chisina kunaka. Kuti tinzwisise nyaya iyi tinofanira kuiisa mupfungwa dzedu. Chimiro chake raitova izwi rinodaidzira pachezvaro. Akanga achidaidzira rubatsiro. Vakaremara vakatitarira mazuva ose. Vari kutidaidza nemazita edu. Mhinduro yedu inoti kudiiko?
Tinogona kusava nesirivha kana ndarama . Tinogona kutarisa homwe dzedu tikashaya mari. Kunyange zvakadaro, tinazvo zvatinokwanisa kushandisa pakushumira Mwari nekubatsira vanhu. Tine zvipo, nguva, uye nesimba. Mwari vanoti tishandise zvatiinazvo. Vamwe makristu vanotambisa zvipiwa nezvipo zvavainazvo nekuti vanofunga kuti dai vane zvinofanana neumwe. Munyaya iyi, Pita akanga ane zvinokosha kudarika sirivha kana ndarama uye akazvishandisa mukurumbidzwa kwezita raMwari.
Kupupurwa kwechokwadi cheukristu kunofanira kuramba kuchienderera mukati mesangano. Zvichatibatsira kuti chaunga chevanhu chinzwe nekutenda kushoko raMwari. Zviratidzo zvichatibatsira kutsanangura zviri kuitwa naMwari. Shoko nemabasa zvinofanira kufambidzana. Tingangofunga kuti tingade mari kuti tikwanise kubatsira, asi handizvo zvatinganyanya kuda. Nzira chete yekuwana zvatinganyanya kuda ndeye musimba riri muna Jesu uyo anotipa mweya wekubatsira vamwe.
Munamato: Ndinouya pachigaro chenyu chenyasha Mwari wangu, ndichikutendai nekundionesa mukana uri mandiri wekuti umambo hwenyu uende mberi. Pese pandinoona vakaremara ndibatsirei kuti ndishandise zvandiinazvo. Nditungamirei mukurarama zvinotarisirwa panzira yechikristu nekuda kwedenga. Muzita raKristu. AMENI.
Kuwedzera kuverenga: Mako 10: 46-52| Jakobo 2:17-26| 1 Timotio 6:17-19| Ekisodo 4:1.
Scripture
About this Plan

Chitsauko chechitatu chaMabasa chinotiratidza kukura zvine simba kwerutendo muna Jesu. Kubva pakuporeswa kwemurume akaremara kusvika pakuparidza kwaPita tinoona vaapositora, vachisundwa neMweya Mutsvene kuva vashandiri vanobuditsa pachena ukuru hwesimba raMwari. Zvinotisimudzira kuti tibatirire kusimba reruponeso nerudzikinuro rwatakapiwa naKristu, sezvazvakaitwawo kuvanhu veJerusarema.
More
Related Plans

Living Like Jesus in a Broken World

Who Am I, Really? Discovering the You God Had in Mind

16 Characteristics of the God-Kind of Love - 1 Corinthians 13:4-8

Reimagine Influence Through the Life of Lydia

Don’t Know What You’re Doing After Graduation? Good.

Overcoming the Trap of Self-Pity

Am I Really a Christian?

UNPACK This...Being a Good Teammate in Life

Positive and Encouraging Thoughts for Women: A 5-Day Devotional From K-LOVE
