Simba RemunyengeteroSample

TIRI PAHONDO NASATANI
Ndinoda kuti utarisise chimiro chaiva mutirongo. Tarira zvaiva naPita panguva yaairaramo. Chekutanga waiwa usiku uhwo aimirira kuzouraiwa rechimangwana. Pita aiva ari muimba inotonhora, achirara pasi ari pakati pemauto maviri. Aisakwanisa kufamba nekuti ngetani dzakanga dzakasungirirwa pavarwi vaviri ava. Chimiro ichi chainge chisina kunaka kuti munhu akwanise kurara. Uhwu umbowo wakakwana unotiratidza kuti Satani ari pahondo nesu.
Pauro anotaura zvakare achinyora tsamba kuVaEfeso kuti tiri pahondo yemweya naSatani uye hatirwi nenyama neropa. Makristu anofanira kupinda pahondo iyi kubidikidza nekunyengetera. Kunyange Herodi akanga atora matanho ose ekurwadzisa Pita, simba raMwari rakanga rakakura kudarika zvose.Makristu anofanira kuziva kuti simba remunhu haringaenzaniswe nesimba raMwari. Mune simba mumunyengetero nekuti simba iroro rinodarika zvakapfuuridza zvose zvatingafunga.
Muhondo yemweya, tinofanira kuvimba nesimba raMwari. Ngei Pita akakwanisa kurara hope? Chokwadi, aivimba naMwari. Hatifaniri kushaya hope nokuda kwaSatani. Tinofanira kutenda kuti zvose zvingaitika, zvinoita kuti Mwari vakudzwe, ndizvo zvinokosha izvozvo. Kana matambudziko auya munzira dzedu, nehope dzaramba kuuya, zvatinokwanisa kuita kuvimba neukuru hwaMwari. Mukereke yekutanga, kunyengetera nekumirira zvaiva chiratidzo chechikristu muusungwa kana kunze. Muhondo dzakafanana naidzodzi dzatingasangane nadzo, tinofanira kudzidza kubva kwazviri tomira nesimba semauto pakunamata.
Munamato: Mwari wehondo, tinovimba nemi kuti munotipa simba kuti tigone kumira tichirwa naSatani. Tinoziva kuti Satani anotirwisa mazuva ose. Tinonamatira kukunda kwedu kubudikidza nemunyengetero. Tisimbisei nenhumbi dzose dzekurwa nadzo, tigodaidzira kukunda kwedu nekusingaperi. Muzita raJesu. AMENI.
Kuwedzera Kuverenga: VaEfeso 3:20| Mapisarema 4:8| VaEfeso 6: 10ff.
Scripture
About this Plan

Chikamu chendima iyi chinobuditsa pachena simba raMwari nekukunda zvinesimba pamusoro penzira dzeuipi dzingashandiswa nemunhu. Kunyange pakutarisana nekutambudzwa, Mwari vanenge vari pakutonga. Mwari vanopa nzira yeruponeso nekutonga kwakarurama. Minamato yevatsvene inotionesa kukosha kwekubatana kwevatendi paminyengetero muupenyu hwekereke. Mwari vanodzikinura vatendi, saPita, kubva mukutambudzika.
More
Related Plans

Seasons of Hardship: Live the Jesus Way

Am I Really a Christian?

UNPACK This...Being a Good Teammate in Life

Reimagine Influence Through the Life of Lydia

Positive and Encouraging Thoughts for Women: A 5-Day Devotional From K-LOVE

Overcoming the Trap of Self-Pity

16 Characteristics of the God-Kind of Love - 1 Corinthians 13:4-8

Living Like Jesus in a Broken World

Who Am I, Really? Discovering the You God Had in Mind
