Jesu MuyamuriSample

AKAVA NEKUDIVA NAVANHU
Jesu akasimbisisa kuti ruponeso rwakazembera parudo rwaMwari, tsitsi neunyoro. Naizvozvo vazhinji vaitenda kwaari vakatanga kumutevera. Mateo anonyora achibuditsa uzhinji hwevanhu vaitevera Jesu. Tinotenda Mwari kuti vose vaitevera vakakwanisa ‘kuona’. Tine vamwe vakachapofomadzwa uye vakagara munzira. Vari kudaidzira kwatiri, naizvozvo tinofanira kuti tivadaidze kuti vakwanise kubatsirika. Kana ukaita zvakanaka, unowana kudiwa nevanhu vakawanda. Kana tikaparidza Kristu, nekugovana nevanhu shoko rake, vanhu vanouya kwaari uye nekumutevera. Tichivedzera, iye Jesu anopa kuratidza kwakakwana zvinoreva kuva mushandiri achitora nguva mukurapa mapofu maviri.
Kuva neukuru hakuuyi nembiri yekutsvaga sezvinoita vamwe vatungamiri. Makristu chaivo vanofanira kudzidzisa murudo, kuparidza murudo nekupa zvinobatika paupenyu hwechikristu kuti tikwanise kuva nevadzidzi vakawanda. Kudyidzana kwedu nevanhu, nekubatsira kwatinoita, sezvaingoitwa naJesu, zvinotisvitsa pakuva nemukurumbira. Mushoko raMwari, Jesu akabatsira varombo, akapa vane zviuru zvekudya, akarapa vanorwara, akamutsa Razaro kubva kuvafi, akaregerera zvitadzo. Zvakaita kuti aende mberi neshoko redenga, achifadza Baba wake pamwechete nevanhu (Ruka 2:52).
Kuti tive nekushandira vamwe kwakakwana, tinofanira kugamuchirirka munharaunda dzedu. Tingagamuchirika Seiko? Ngatiraramirewo vamwe vanhu. Dzimwe nguva tinokanganwa kuti Jesu pachake akararamirawo vamwe vanhu, nanhasi achiri kuraramira isu. Mukudyidzana kwake nevanhu vanotarisirwa pasi kwakaita kuti ave mukuru nekugamuchirika. Makristu anofanira kushandira mukana wakadai nokuda kwedenga, kuti vanhu pavanotiona, vanotevera nzira dzedu dzechikristu dzakanaka, votevera Kristu zvakare.
Munamato: Ishe ndibatsirei kuti ndinzwisise kuti kushanda, kuzvininipisa nekuzvipira zvinorevei, uye ndikwanise kuzviita. Minana yechokwadi ngaiiitike apo tinoparidzira vanhu venyu. Simba randinaro ngarishande kubatsira vamwe kuti vaone kunaka kwenyu Ishe. Muzita raJesu. AMENI.
Kuwedzera Kuverenga: Mateo 5:1| Ruka 18:35-43| Mako 10:46.
Scripture
About this Plan

Chinyorwa chinobuditsa kukosha kweumambo hwaMwari apo kukura kwaho kunosimbiswa nekuratidza kushanda, nezvibereko zvekutenda kubva muminana. Panobuditswa zvakare kuzvininipisa kwaJesu, uyo, kunyange akanga ari Mwari, akasarudza kushanda uye nekuzvipa pachake. Tinofanira kutora zvimisikidzo izvi paupenyu hwedu, zvotisimbisa kuti tigone kuzvininipisa pazvinhu zvose, tobatsirawo vamwe nekurereka kwedu, nekuratidza kutenda musimba raMwari.
More
Related Plans

16 Characteristics of the God-Kind of Love - 1 Corinthians 13:4-8

Positive and Encouraging Thoughts for Women: A 5-Day Devotional From K-LOVE

Who Am I, Really? Discovering the You God Had in Mind

Am I Really a Christian?

Living Like Jesus in a Broken World

Seasons of Hardship: Live the Jesus Way

Reimagine Influence Through the Life of Lydia

Don’t Know What You’re Doing After Graduation? Good.

Overcoming the Trap of Self-Pity
