Sarudzo Yakakurisisa yeHupenyu Hwako!Sample

“Rubhabhatidzo Rwomumvura: Ziviso Pachena Yehupenyu Hwashandurwa”
Rubhabhatidzo rwomumvura inzira yakakosha yekuzivisa zviri pachena kuti wakagamuchira ruponiso. Rubhabhatidzo rwomumvura imhembero yemagumo ehupenyu hwekare uye mavambo ehupenyu hutsva. Jesu vakafundisa vadzidzi vavo kukosha kwerubhabhatidzo rwomumvura nguva pfupi vasati vakwira kuenda kudenga shure kwekumutswa kubva kuvafi kwavo. Vakati,
“Naizvozvo endai mudzidzise ndudzi dzose, muchivabhabhatidza muzita raBaba, neroMwanakomana neroMweya Mutsvene,” Mateo 28:19
MuTestamende Itsva yese, mune nyaya zhinji dzekubhabhatidzwa kwevatendi. Rubhabhatidzo rwomumvura chiratidzo chakakosha zvose kuno uyo ari kubhabhatidzwa nekuzvapupu zviri kuona. Rubhabhatidzo rwomumvura muenzaniso pachena wekuti: kunyudzwa mumvura kwako ndiwo magumo ehupenyu hwako hwekare; kubuda mumvura chiratidzo chemavambo ehupenyu hwako hutsva munaKirisito, hupenyu hwako hwanatswa uye kuve chisikwa chitsva muna Mwari kwako.
Ruka 3:3 anomirira rubhabhatidzo rwomumvura se “rubhabhatidzo rwokutendeuka", uye asonimbisisa kukosha kwekuratidza pachena kuti tatendeuka kubva kuchivi nekuhupenyu hwedu hwekare. Kunyange hazvo rubhabhatidzo rwomumvura rwusingatiponese kana kufukidzira zvivi zvedu, asi rwunomirira chinhu chakakosha muhupenyu hwedu hwechiKirisito – chiziviso chekuti wavachisikwa chitsva, hupenyu hwakashandurwa! Dai paive paine munhu aisafanira kuita chiziviso ichi, ndiJesu, akararama hupenyu husina chivi panyika ino. Asi Ruka 3:21 anoti,
“Vanhu vose vakati vachiri kubhabhatidzwa, Jesu akabhabhatidzwawo.” Ruka 3:21
Jesu vakabhabhatidzwa kuti togotevedzera muenzaniso wavo. Rubhabhatidzo rwomumvura rwakakosha zvisingawedzereki. Kana usati wabhabhatidzwa mumvura, zvingakunakire kuti uwone kuti waisa rubhabhapatidzo rwomumvura pamusoro-soro pehumwe hurongwa hwako hwese. Bhaibheri rinotiraira kuti tizivise pachena nezve ruponiso rwedu, uye kereke zhinji dzinodaira Bhaibheri dzinopa mikana mizhinji yekubhabhatidzwa mumvura. Kutevedzera muenzaniso waJesu chikarakadzo chebudiriro nguva dzose. Mwari vanokuropafadza zvikuru uye vanokupa mubayiro nekuda kwekutendeka nekumuteerera kwako!
Scripture
About this Plan

Sarudzo zhinji dzatinoita muhupenyu dzakakosha. Asi, pane sarudzo imwe chete yakakosha kudarika dzimwe dzose. Kana uri kutsvaga mufambiro uri nyore unokusvitsa pakunzwisisa kuzere kwesarudzo yakakoshesesa iyi - chipo chekuponeswa pamweya chatakapuhwa pasina muripo naMwari - chibva wangotangira ipo pano. Kubva mubhuku rinonzi “Out of this World: A Christian’s Guide to Growth and Purpose” rakanyora naDavid J. Swandt.
More
Related Plans

Pandemic Prayers: Seven-Day Family Prayer Guide

Love One Another

Marriage That Lasts

Understanding the Sabbath

Help From The Lord

Living Like Jesus in a Broken World

16 Characteristics of the God-Kind of Love - 1 Corinthians 13:4-8

Positive and Encouraging Thoughts for Women: A 5-Day Devotional From K-LOVE

Reimagine Influence Through the Life of Lydia
