1
Johani 10:10
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Mbavha inouya chete kuzoba, nokuzouraya nokuparadza, ini ndakauya kuti vanhu vawane upenyu, uye kuti vawane upenyu huzere.
Compare
Johani 10:10ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
2
Johani 10:11
Ini ndini mufudzi wakanaka mufudzi wakanaka anofira hwai dzake.
Johani 10:11ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
3
Johani 10:27
Hwai dzangu dzinonzwa izwi rangu, uye ndinodziziva uyewo dzinonditevera.
Johani 10:27ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
4
Johani 10:28
Iniwo ndinodzipa upenyu husingaperi, saizvozvo hadzimbofa dzakaparara. Hakuna angadzibvute mumaoko mangu.
Johani 10:28ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
5
Johani 10:9
Ini ndini musuo. Anopinda napandiri achaponeswa; achapinda nokubuda zvake achiwana mafuro.
Johani 10:9ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
6
Johani 10:14
Ini ndini mufudzi wakanaka ndinoziva hwai dzangu uye hwai dzangu dzinondizivawo
Johani 10:14ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
7
Johani 10:29-30
Baba vangu vakadzipa kwandiri vakuru kupinda ani zvake uye hapana anogona kudzibvuta mumaoko aBaba. Ini naBaba tiri mumwechete.”
Johani 10:29-30ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
8
Johani 10:15
sokundiziva kunoita Baba, iniwo ndinoziva Baba, ndokusaka ndichiparadza upenyu hwangu kuitira hwai.
Johani 10:15ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
9
Johani 10:18
Hapana anonditorera, kuhuparadza kwandinoita kutoda kwangu zvangu. Ndinesimba rokuhuparadza uye ndinesimba rokuti ndive noupenyu zvakare. Ndizvo zvandakaudzwa kuti ndiite nababa vangu.”
Johani 10:18ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
10
Johani 10:7
Ipapo Jesu akatizve kwavari, ndinoti kwamuri, “Idi chaizvo ini ndini musuo wehwai.
Johani 10:7ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
11
Johani 10:12
Muronzerwi, asiri mufudzi uye asiri muridzi wehwai akaona mhumhi ichiuya anosiya hwai dziya achitiza, mhumhi inobvuta hwai; dzimwe dzigoti mwanda kupararira.
Johani 10:12ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
12
Johani 10:1
Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, “Asingapindi napamusuo pedanga rehwai asi achikwira napamwe munhu iyeyo imbavha negororo.
Johani 10:1ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
Home
ਬਾਈਬਲ
Plans
ਵੀਡੀਓ