1
Mavambo 50:20
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBC
Kunyange zvazvo imi makandiitira bangano rakaipa, Mwari akarishandisa kuita zvakanaka zvaaida zvokuponesa vanhu vazhinji, sezvazviri nhasi uno.
താരതമ്യം
Mavambo 50:20 പര്യവേക്ഷണം ചെയ്യുക
2
Mavambo 50:19
Josefi akavati, “Musatye zvenyu. Ko munoti ini ndiri Mwari here?
Mavambo 50:19 പര്യവേക്ഷണം ചെയ്യുക
3
Mavambo 50:21
Naizvozvo musatye zvenyu. Ini ndichakuchengetai mose navana venyu.” Josefi akavanyaradza achitaura mashoko okuvadzikamisa mwoyo.
Mavambo 50:21 പര്യവേക്ഷണം ചെയ്യുക
4
Mavambo 50:17
mundoudza Josefi kuti, ‘Ndinokumbira kuti uregererewo vakoma vako zvitadzo nezvakaipa zvavakaita nokuti vakakuitira zvakaipa.’ Saka isu varanda vaMwari wababa venyu tinoti, tapota tiregerereiwo zvatakutadzirai.”
Mavambo 50:17 പര്യവേക്ഷണം ചെയ്യുക
5
Mavambo 50:24
Josefi akazotaurira hama dzake kuti, “Ini ndava kufa. Asi Mwari achakushanyirai, achazokutamisai munyika ino agoenda nemi kunyika yaakapikira Abhurahamu naIsaki naJakobho.”
Mavambo 50:24 പര്യവേക്ഷണം ചെയ്യുക
6
Mavambo 50:25
Josefi akataurira vaIsiraeri kuti, “Ichokwadi kuti Mwari achakushanyirai. Saka imi tsidzai kuti muchatakura mutumbi wangu muchiendawo nawo.”
Mavambo 50:25 പര്യവേക്ഷണം ചെയ്യുക
7
Mavambo 50:26
Josefi akafa ava nezana ramakore rine makore gumi. Vanhu vakaomesa chitunha chake vakachiisa mubhokisi muIjipiti imomo.
Mavambo 50:26 പര്യവേക്ഷണം ചെയ്യുക
ആദ്യത്തെ സ്ക്രീൻ
വേദപുസ്തകം
പദ്ധതികൾ
വീഡിയോകൾ