1
Mavambo 50:20
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Kunyange zvazvo imi makandiitira bangano rakaipa, Mwari akarishandisa kuita zvakanaka zvaaida zvokuponesa vanhu vazhinji, sezvazviri nhasi uno.
비교
Mavambo 50:20 살펴보기
2
Mavambo 50:19
Josefi akavati, “Musatye zvenyu. Ko munoti ini ndiri Mwari here?
Mavambo 50:19 살펴보기
3
Mavambo 50:21
Naizvozvo musatye zvenyu. Ini ndichakuchengetai mose navana venyu.” Josefi akavanyaradza achitaura mashoko okuvadzikamisa mwoyo.
Mavambo 50:21 살펴보기
4
Mavambo 50:17
mundoudza Josefi kuti, ‘Ndinokumbira kuti uregererewo vakoma vako zvitadzo nezvakaipa zvavakaita nokuti vakakuitira zvakaipa.’ Saka isu varanda vaMwari wababa venyu tinoti, tapota tiregerereiwo zvatakutadzirai.”
Mavambo 50:17 살펴보기
5
Mavambo 50:24
Josefi akazotaurira hama dzake kuti, “Ini ndava kufa. Asi Mwari achakushanyirai, achazokutamisai munyika ino agoenda nemi kunyika yaakapikira Abhurahamu naIsaki naJakobho.”
Mavambo 50:24 살펴보기
6
Mavambo 50:25
Josefi akataurira vaIsiraeri kuti, “Ichokwadi kuti Mwari achakushanyirai. Saka imi tsidzai kuti muchatakura mutumbi wangu muchiendawo nawo.”
Mavambo 50:25 살펴보기
7
Mavambo 50:26
Josefi akafa ava nezana ramakore rine makore gumi. Vanhu vakaomesa chitunha chake vakachiisa mubhokisi muIjipiti imomo.
Mavambo 50:26 살펴보기