YouVersion 로고
성경묵상동영상
앱 다운로드
언어 선택
검색 아이콘

Kubuda 10 - 인기 성경 구절

1

Kubuda 10:1-2

Bhaibhiri Idzva rechiShona

SCLB

Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Enda kuna Farao nokuti ndaita kuti aomese mwoyo, iye namachinda ake kuti ndiite zviratidzo zvangu pakati pavo. Ndinodawo kuti imi vaIsiraeri muzokwanisa kukurukurira vana venyu navazukuru venyu, vachinzwa nenzeve dzavo kupusisa kunorwadza kwandakaita vaIjipiti nezviratidzo zvandakaita pakati pavo, mugoziva kuti ini ndini Tenzi.”

비교

Kubuda 10:1-2 살펴보기

2

Kubuda 10:21-23

Bhaibhiri Idzva rechiShona

SCLB

Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Simudzira ruoko rwako mudenga kuti muIjipiti muve nerima rakati kwindindi.” Mosesi akasimudzira ruoko rwake kudenga, rima guru ndokufukidza Ijipiti yose kwamazuva matatu. Ipapo vaIjipiti vakanga vasisaonani. Hakuna munhu akaedza kubuda mumba make pamazuva iwayo ose. Asi kwaiva navaIsiraeri kwakanga kuine chiedza.

비교

Kubuda 10:21-23 살펴보기

3

Kubuda 10:13-14

Bhaibhiri Idzva rechiShona

SCLB

Mosesi akatambanudza tsvimbo yake pamusoro penyika yose yeIjipiti. Tenzi akaunza mhepo yakabva kumabvazuva, yakaswerera ikararira ichivhuvhuta. Kuzoti kwaedza mhepo yokumabvazuva iyi yakaunza mhashu. Mhashu dzacho dzakauya dzakawanda kwazvo munyika yose yeIjipiti, dzikamhara zvokuti tsvete nyika yose zvayo yeIjipiti. Mhashu dzakadai hadzina kumboonekwa kubvira pasi chigare uye hadzizombofi dzakaonekwazve.

비교

Kubuda 10:13-14 살펴보기

Kubuda 10: 관련 무료 묵상 계획

이전 장
다음 장
YouVersion

매일 하나님과 친밀하게 동행하도록 격려하고 도전하기.

사역

소개

채용 정보

자원 봉사

블로그

기사

유용한 링크

도움

후원

성경 번역본

오디오 성경

성경 언어

오늘의 말씀


디지털 사역

Life.Church
한국어

©2026 Life.Church / YouVersion

개인 정보 취급 정책약관
취약점 공개 프로그램
페이스북트위터인스타그램유튜브핀터레스트