Mariko 8

8
Jesu Anoposha Vanhu Zviuru Zvinai
(Mateo 15:32-39)
1Pamazuva yakareyo padoita futi gurusvusvu rikuru rovanhu ridoungana, futi vanga vasinai chokuja, adodaidza vadzidzi vache ndokuti kwavari, 2“Ndinonzva tsitsi nogurusvusvu rovanhu ava nokuti ndava navo kwomazuva matatu, apa havachinai chokuja. 3Kana ndikavadzotsa kudzimba vanonzara vanokomoka munzira ndava vamwe vavo vanobva kurefu zvidonyanya.”
4Asi vadzidzi vache vadomupindura, “Anga munhu angawane poi musango muno zvinogutsa vanhu veseva?”
5Iye ndokuvabvunza, “Munomazingwa manganiko?”
Ivo ndokuti, “Manomwe.”
6Ipopo adoudza vanhu kuti vagarikike, ndokubva watora mazingwa manomwe yaye, ndokutenda, ndokuyakomora komora achiyapasa vadzidzi vache kuti vakovanise vanhu, ivo ndokuvakovanisa. 7Vanga vano tuhovewo tushomashoma, paadokomborera, adovaudza kamu kuti vakovanise vanhu. 8Vadoja vachiguta. Vadodzounganidza zvimepfu zvidosara ndokuzaza matengu manomwe. 9Vadoja vacho vanga vari varume vanosvika zviuru zvinai, ndokubva wavaendesa. 10Nokamangu vadopindirafuti mukamwadiya ndokuenda kudunhu roDharumanuta.
VaFarisi Vanokumbira Munana
(Mateo 16:1-4)
11Ipopo vaFarisi vadouya kudzopikisana naye nokumuedza vachipopera kuti avaitire chiratidzo chinobva kudenga. 12Jesu adothura befu pamweya wache zvidonyanya ndokuti, “Seiko vanhu vanasi vachiruvira kuona chiratidzo? Chokwadi ndinoti musevedzi, hapanai chiratidzo chichapasiwa vanhu vakareva vanasi.”
13Adovasiya ndokupinda mukamwadiya achiyambuka kumhiri.
Mbiriso yovaFarisi noyaHerudhe
(Mateo 16:5-12)
14Vadzidzi vadokangamwa kutakura mazingwa zvokuti mukamwadiya makaremo manga mudondova nozingwa ribodzi. 15Ipopo adovachenjedza achiti, “Chenjererai mbiriso yovaFarisi noyaHerudhe.”
16Vadonyairirana vachiti, “Ari kudaro ndava tasiya mazingwa.”
17Manje Jesu adoziva zvavainyairirana ndokuti, “Anga zvomazingwa zvamaakunyairirana nzvei kamu? Asi munoonaba nai nomwoyo yenyu yatoti kukutu kuoma nai? 18Munotadza nei kuona imi muno meso? Munotadza nei kunzva, imi nzeve munadzo? Ko hamuchayeuka nai? 19Pandidokomora paye mazingwa mashano kupasa zviuru zvishano, mudounganidza muchizaza matengu mangani yozvimepfu zvidosara?”
Vadoti kwaari, “Gumi nomairi.”
20“Ko mazingwa manomwe pazviuru zvinai, matengu mangani yadozara zvimepfu zvamudounganidza?”
Ivo ndokuti, “Yadosvika manomwe.”
21Zvino Iye ndokuti kwavari, “Saka munotadza tini kunzvitsitsa?”
Jesu Anoporesa Murume Rombe paBhetisaidha
22Zvino vadodzosvika paBhetisaidha, ipopo vadouya norombe kuna Jesu ndokukumbira kuti amubate. 23Iye adobata rombe racho ruoko achibirika naro pamusha, ndopaadorisvipira mathe mumaziso. Adobata meso yache ndokumubvunza “Chii chauri kuona?”
24Adonangara nangara ndokubva wati ndiri kuona vanhu vachitekaira vadoita kunge miti.
25Ipopo Jesu adobata kamu meso yomurumeyo, meso yache yadobva yapora ndokuona mushe mushe. 26Adomuendesa kumba kwache achimutsindikira, “Reka kana kupinda mumusha.”
Pita Anozivisa Kuti Jesu Mbani
(Mateo 16:13-20; Ruka 9:18-21)
27Jesu novadzidzi vache adobirika achienda kumaguta yokuKhesariya Firipi. Vari munzira, adobvunza vadzidzi vache, “Ko vanhu vanoti ndini yani?”
28Vadopindura kuti, “Johwani Muombeki, vamwe vanoti, Eriya, vamwewo ndivo vanoti muri umwe wovaporofiti.”
29Iye adoti kwavari, “Ko imipa munoti ndini yani?”
Pita adopindura kuti, “Ndimi Khirisitu.”
30Ipopo adovatsindikira kuti vareke kunyepa munhu nozvake.
Jesu Anonyaira Zvokutambudzika nozvoIpfa Yache
(Mateo 16:21-28; Ruka 9:22-27)
31Pakarepo Jesu adothanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana woMunhu achatambudziwa chaizvo futi acharambiwa novakuru, novaphirisita vakuru novanyori. Vachamubaya, asi kwapera mazuva matatu achamuka kamu. 32Izvozvo adozvinyaira asingasvisve. Pita adobva wamutora pache wega ndokuthanga kumudzumidza. 33Asi Jesu adochununguka ndokunangara vadzidzi vache, achibva wadzuma Pita achiti, “Ibva kwandiri Sathani! Nokuti unofungaba zvaMwari, unondofunga zvovanhu.”
34Zvino adodaidza gurusvusvu rovanhu novadzidzi vache kuti vauye kwaari, ndokuti, “Wese anoda kunditevera mbaazvirambe atore muchinjikwa wache anditevere. 35Nokuti wese anoda kuchidza upenyu hwache achataikihwa nahwo, asi wese anotaikihwa noupenyu hwache nokuda kwangu nokwovhangeri achahuchidza. 36Anga munhu akawana nyika yese achitaikihwa noupenyu hwache anenge wawanei? 37Chii munhu chaangapereke kutsiva mweya wache nacho? 38Nokuti wese anondinyara inini nomashoko yangu muvanhu vanasi vadoipa, vanosanganisa, Mwanakomana woMunhu paachauya muukuru hwaBaba vache, nongirozi dzache dzitsvene, achamunyarawo.”

ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖

Mariko 8: KBT

គំនូស​ចំណាំ

ចែក​រំលែក

ចម្លង

None

ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល