Mariko 14
14
Vanorangana Kubaya Jesu
(Mateo 26:1-5; Ruka 22:1,2; Johwani 11:45-53)
1Kwandosara mazuva mairi yokusvika kwomabiko yoPhasika noyoMazingwa Yasinai Mbiriso, vaphirisita vakuru novanyori vadotsvaga mazano yadohwanda yokusunga nokubaya nayo Jesu. 2Asi vadoti, “Mbazvirege kuitiwa pamutambo woMazingwa Yasinai Mbiriso kuti vanhu vareke kudzoita bongozozo.”
Jesu Anozodzewa paBhetani
(Mateo 26:6-13; Johwani 12:1-8)
3Jesu ari paBhetani, mumba maSimoni womabobo, paanga adotsveyamira pathafura yokuja kwomauro, padouya umwe mukadzi wanga anoguchu romapfuta yanodhura yonadhi chaiyo. Adoyavhura ndokuyadururira mumusoro waJesu. 4Ipopo vamwe vadotsva mwoyo nazvo ndokuti, “Ko mapfuta iyoya yachenekehwei? 5Handiti yaitogona kutengesewa nomadhinari mazana matatu mariyo yokovehwa kuvarombo?” Vadobva vamukaruza noukari.
6Asi Jesu adoti, “Siyanai naye, seiko muchimunetsa? Waita basa ridonaka kwandiri. 7Varombo munavo nguwa dzese, pamunenge mandoda munovaitira zvidonaka, asi inini handisi nemi nguwa dzese. 8Waita zvaagona, wafana kuzora muviri wangu kuitira zuva rokuvigiwa kwangu. 9Chokwadi ndinoti kwamuri, kwese kuchaparidziwa Nyaya Idonaka munyika dzese, zvaaita zvichanyaihwa achikumbukiwa nazvo.
Judhasi Anopandukira Jesu
(Mateo 26:14-16; Ruka 22:3-6)
10Zvino Judhasi Sikariyoti umwe wovanogumi novairi adoenda kuvaprista vakuru kuti aise Jesu kwavari. 11Ivo vadofara kunzva zvakarezvo ndokuvimbisa kumupasa mari. Nokudaro iye adotsvaga mukana udofanira wokumupandukira nawo.
Jesu Anoja Phasika Novadzidzi Vache
(Mateo 26:17-25; Ruka 22:7-14,21-23; Johwani 13:21-30)
12Pazuva rokuthanga roMazingwa Yasinai Mbiriso riri zuva raibayiwa hwayana yoPhasika, vadzidzi vache vadomubvunza, “Nghupi kwamunoda kuti tiende kokugadzirirai kuti mujire Phasika?”
13Iye adotuma vadzidzi vache vairi achiti kwavari, “Pindai muguta, makaremo muchasangana nomurume adotakura chirongo chomvura. Muteverei wakareyo. 14Taurai nomwenekachiro woimba yaachapinda muchiti, ‘Mudzidzisi wati, njipi imba yovarendo yandichajira zingwa roPhasika risinai mbiriso ndinovadzidzi vangu?’ 15Iye achakunangidzai imba ikuru yomuturikidzwa idorongedzewa nokugadzihwa, tigadzirirei makaremo.”
16Vadzidzi vadoenda, ndokupinda muguta, vachiwana zvidoita fanike matauriro yaanga waita kwavari. Ivo ndokugadzira chirairo choPhasika.
17Yava mauro, Jesu adosvika novanogumi novairi. 18Vari pathafura pakuja, Jesu adoti, “Chokwadi ndinoti kwamuri, umwe wenyu achandipandukira, wandiri kutoja naye.”
19Vadosuwa nazvo, ndokuthanga kumubvunza mubodzi mubodzi vachiti, “Kuti ndini?”
20Adoti kwavari, “Nguyo umwe wovanogumi novairi wandiri kuseva pabodzi naye mumbenge.” 21Nokuti Mwanakomana woMunhu achaenda sezvidonyohwa pamusoro pache, asi mayanga kumunhu wakareyo anomupandukira! Zvanga zviri hasa kumunhu wakareyo dai asinai kuzvariwa.”
Chirairo chaIshe
(Mateo 26:26-30; Ruka 22:14-20; 1 vaKorinde 11:23-25)
22Vari pakuja daipo Jesu adotora zingwa achiriropafadza. Adorikomora komora achiripasa vadzidzi vache achiti, “Torai, uyu muviri wangu.”
23Adotora mukombe, ndokutenda, adovapasa vachimwa vese pauri. 24Adoti kwavari, “Aya magazi yangu yochibvumirano yanoteurihwa vazinji. 25Chokwadi ndinokuudzai kuti ndichamwaba kamu muto womazambiringa kusvikira zuva iro randinozoumwa wava mutsva muumambo hwaMwari.”
26Pavadoimba chimbo vadobirika vachienda kugomo romiOrivhi.
Jesu Anoporofita Kuramba kwaPita
(Mateo 26:31-35; Ruka 22:31-34; Johwani 13:36-38)
27Ipopo Jesu adoti kwavari, “Mese muchandisiya usiku huno, nokuti kudonyohwa kuti, ‘Ndicharova nyakabusa, ipopo hwai dzichapamwara.’ 28Asi pandichamuka ndichakutangirai kuenda kuGaririya.”
29Pita adoti kwaari, “Kunyange vese vakakusiyai, inipano ndinokusiyaiba.”
30Jesu adomupindura achiti, “Chokwadi ndinokunyepa, nasi uchandiramba katatu, usiku ihwohuno, jongwe risati rarira kairi.
31Asi iye adotsikimidza achiti, “Handipfe ndakurambai, kana zvikatotora kupfa nemi.”
Vamwe vese vadotaurawo daro.
Jesu Anonamata muGetsimani
(Mateo 26:36-46; Ruka 22:39-46)
32Vadosvika panzvimbo inoitiwa Getsimani, Iye ndokuti kuvadzidzi vache, “Garai pano, ini ndichinamata.” 33Adotora Pita, Jakobho naJohwani. Ipopo adothanga kutambudzika zvikuru nokuremehwa. 34Zvino adoti kwavari, “Mwoyo wangu udosuwitsa, zvokusvika paipfa, rambai muri pano, mudogaririra.”
35Adoenda kurefu pashoma ndokupfugama achinamata kuti dai zvaikwanisika nguwa yakareyo yamupindirira. 36Zvino adoti, “Baba vangu, zvinhu zvese zvinokwanisika kwamuri, biritsai mukombe wakareyu kwandiri. Mbakurege kuva kuda kwangu asi kuda kwenyu.”
37Paadodzoka, adovawana vaenzera, ndokuti kuna Pita, “Simoni, watoenzera? Watadza kugaririra awa ibodzi? 38Garirirai muchinamata kuti mureke kupinda pamuedzo. Mweya unoda zvawene asi nyama idoneta.”
39Adoenda pakamu achinamata achitaura mashoko mabodzi bodziyo. 40Paadodzoka pakare, adovawana vaenzera kamu ndava meso yavo yanga yabatiwa nohope zvokutotadza kupenya, futi vadosaya kuti vomupindura kuti chii.
41Adodzoka kochitatu ndokuti kwavari, “Muchidoenzera nokuzorora? Zvakwana, nguwa yasvika, Mwanakomana woMunhu wapandukihwa achiisiwa mumaoko yovatadzi. 42Sumukai tiende, onai nyakundipandukira wava papfupi.”
Kusungiwa kwaJesu
(Mateo 26:47-56; Ruka 22:47-53; Johwani 18:3-12)
43Pasinai nonhambwe yese, achiri kunyaira daro, Judhasi umwe wovanogumi novairi adosvika nogurusvusvu rovanhu vanga vadopakata mapakatwa nomatemo, vachibva kuvaprista vakuru, novanyori, novakuru vovanhu. 44Nyakumupandukira wanga wavapasa chiratidzo, achiti, “Uyo wandichatsvoda ndiye wacho, musungei muende naye mudomuchengetedza.”
45Paadosvika adobva waenda paari achiti, “Tenzi!” achimutsvoda. 46Ivo vadobata Jesu ndokumusunga. 47Zvino umwe wovanga vadomira pakarepo adomworora bakatwa ndokutema muranda womuphirisita achibva wamugwata nzeve. 48Jesu adoti kwavari, “Mauya kondipamba nai muno mapakatwa nomatemo, kunge muri kuhwisa gananga? 49Inga ndaidzidzisa muimba yaMwari mazuva yese muripo asi musingandibati, saka regai Magwaro yazazisiwe.
50Ipopo vadzidzi vese vadotiza vachimusiya.
51Pavadomusunga, rimwe jaha ridomutevera riri pedzi, ridondozvimonerera biza basi, 52ridosiya biza ndokutiza riri takwatakwa.
Jesu Pamberi poDare Rovapirisita
(Mateo 26:57-68; Ruka 22:54,55,63-71; Johwani 18:13,14,19-24)
53Ipopo vadoenda naJesu kumukuru wovaphirisita kwanga kudoungana vaphirisita vakuru, vakuru vovanhu, novanyori. 54Pita adomutevera ari kurefu, adotosvika pachivanze chomuphirisita mukuru, ndokugarikika achiwotha moto pabodzi novachengetedzi. 55Zvino vaphirisita vakuru nodare rese vadotsvaga pfakazi dzaizonenera Jesu mhosva yoipfa, asi hapanai wavadowana. 56Vazinji vadopa upfakazi vachimunenera zvomabhwodo, asi upfakazi hwavo hwaipesana.
57Vamwe vadodzosumuka vachipa upfakazi hwomabhwodo, vachiti, 58“Tidomunzva achiti, ‘Ndichapwanya imba yaMwari yakarei idovakhiwa nomaoko, ndoita imwe mumazuva matatu, isinai kuvakhiwa nomaoko.’” 59Asi zvidodaro, upfakazi hwavo hahunai kuwirirana.
60Muphirisita mukuru adosumuka pamberi podare achibvunza Jesu, “Haupindure nai? Chiiko ichi chavanokupomera?”
61Asi adoramba adondonyarara, haanai chaadopindura. muphirisita mukuru adomubvunza pakare, “Ndiwe chere Khirisitu Mwanakomana woAdokomborehwa?”
62Jesu adomupindura achiti, “Ndini, uye uchaona Mwanakomana woMunhu adogarikika kuruoko roruji roMasimba, achiburuka nomakuti kubva kudenga.”
63Ipopo muphirisita mukuru adokerura hembe dzache achiti, “Tichadireiko pfakazi? 64Manzva kushora Mwari kwaaita. Munoti chii nazvo?”
Vese vadomutongera mhosva yoipfa.
65Vamwe vadothanga kumusvipira mathe, vachimuvhara chiso, nokumurova vachiti, “Porofita kuti mbani wakurova!” Varindi vadomutambira ndokumukhanda zvibhagera.
Pita Anoramba Jesu
(Mateo 26:69-75; Ruka 22:56-62; Johwani 18:15-18,25-27)
66Pita achiri pazasi paaigotha moto muchivanze, murandakadzi womuphirisita mukuru adouyawo pakarepo, 67Paadoona Pita adogotha moto, adomunangaritsa ndokuti, “Naiwewe wanga una Jesu, muNazarini.”
68Asi iye adozviramba achiti, “Zvaunonyaira ndinozvizivaba, kana kuzvinzvitsitsa.” Adobirika pakarepo achienda padonangana nopasuwo rikuru. Ipopo jongwe ridorira.
69Murandakadzi adomuona, ndokuthanga pakare kunyaira kuno vanga vadomira achiti, “Murume wakareyu mabiyavo.” 70Iye adoramba pakamu.
Kwapera kanguwa, vanga vadomira pakarepo vadoti kamu kuna Pita, “Chokwadi iwewe uri mabiyavo, ndava uri woGaririya.”
71Asi adothanga kuzvishurikidza achipika, achiti, “Ndinomuzivaba munhu wakareyu wamunoreva.”
72Pakarepo jongwe ridorira kochipiri. Pita adobva wayeuka zvidotauhwa naJesu kwaari, “Jongwe risati rarira kairi uchandiramba katatu.” Paadozvifunga adoiboora mhere achirira,
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mariko 14: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International

: