Mabasa yoNhumwa 4
4
Pita naJohwani Pamberi poDare
1Pavanga vachiri kunyaira novanhu, vaphirisita nomukuru wovachengeti voimba yaMwari novaSadhusi vadouya kwavari, 2vadokaripa nokuti vanga vachidzidzisa vanhu nokuparidza zvokumuka kwovadopfa muna Jesu. 3Vadovasunga ndokuvaisa mutorongo kusvika mangwana mangwanani, nokuti kwanga kwadoka. 4Asi vazinji panovadonzva shoko vadotenda, uwandu hwovarume vanga vakutoda kusvika zviuru zvishano.
5Nozuva ridotevera vatongi vavo novakuru novadzidzisi vomutemo vadoungana pabodzi muJerusarema. 6Anasi muphirisita mukuru naKefasi naJohwani naArekizanda, novamwe vomhuri yomuphirisita mukuru. 7Pavadoisa Pita naJohwani pakati pavo, vadovabvunzitsitsa vachiti, “Mudozviita nosimba ripi kana nozita ripi zvakarezvi?” 8Ipopo Pita, adozara naMweya Mutsvene, adoti kwavari, “Vatongi vovanhu novakuru, 9kana tiri kubvunzitsitsiwa nasi pamusoro pobasa ridonaka ridoitihwa munhu adoremara, kuti adoporesewa tini, 10mbazvizikane naimimi mese, novaIzirairi vese, kuti nozita raJesu Khirisitu woNazareta, wamudorovera pamuchinjikwa, iye adomutsiwa naMwari kuvadopfa, nozita rakareri munhu wakareyu adomira pano pamberi penyu wapora. 11Rakareri ndiro
‘ribwe ridorambiwa naimimi vavakhi,
asi ridodzova musoro wokhona.’
12Uye hapanai ruponiso kunoumwe, nokuti hapanai rimwe zita pasi podenga ridopasiwa pakati povanhu, ratingaponesewe naro.”
13Zvino pavadoona zvivindi zvaPita naJohwani, vachiona kuti vanga vasinai kudzidza, vari vanhuwo zvavo, vadoshamisiwa nazvo, vadobva vaziva kuti vanga vanaJesu. 14Asi vachiona munhu wanga waporesewa wacho adomira padivi pavo, vadosairafuti zvokunyaira vachivapikisa. 15Saka vadovaraira kuti vabirike pamberi podare, pakarepo ndokurangana pakati pavo. 16“Tichaita tiniko novarume vakareva?” Nokuti chiratidzo chavaita chiri pachenu kuvanhu vese vanogara muJerusarema, uye tinozvirambaba. 17Asi kuti zvireke kuramba zvichipararira pakati povanhu, mbativatsindikire kuti damba wanyaira nomunhu upi noupi nozita rakareri.”
18Saka vadovadaidza ndokuvatsindikira kuti varekeretu kudzonyaira kana kudzidzisa kamu nozita raJesu. 19Asi Pita naJohwani vadovapindura vachiti, “Zvingave zvidonaka pamberi paMwari nai kuti tikutetekerei imipa pano kuti titetekere Mwari, imipa tongai. 20Nokuti isisu tinokonaba kureka kunyaira zvatidoona nokunzva.” 21Zvino pavadoingidzira kuvachichidzira, vadovarekera vadosaya kuti vanovarova tini, nokuda kwovanhu; nokuti vese vadorumbiza Mwari nozvidoitiwa. 22Nokuti munhu wanga waitihwa chiratidzo chakarechi chokuporesewa wanga waanomakore makumi manai yachiraudza.
Vatendi Vanonamatira Ushingi
23Pavadosununguriwa vadodzokera kwanga kuna abiyavo ndokuvanyepa zvese zvanga zvanyairiwa kwavari novaphirisita vakuru novakuru. 24Ivo pavadozvinzva, vadosumudza mazvi yavo pabodzi mumunamato kunaMwari vachiti, “Ishe, imimi mudoita denga nonyika nogungwa nozvese zviri mukati mazvene, 25mudonyaira naMweya Mutsvene kuburikidza nomuromo womuranda wenyu Dhavhiti baba vedu, paadoti,
‘Ko yamwe Marudzi vasiri vaJudha vadokaripireiko,
novanhu vadofungireiko zvinhu zvisinai kabonyo?
26Madzimambo vonyika vadotozvigadzirira,
novatongi vadoungana pabodzi,
kudzohwisana naIshe noMuzodziwa wache.’
27Nokuti nzvochokwadi kuti Herudhe naPondiyasi Pirato vadoungana pabodzi, novoyamwe Marudzi vasiri vaJudha, novana vaIzirairi muguta rino kuti vahwisane nomuranda wenyu mutsvene Jesu wamudozodza. 28Vadoita zvamanga mudosarudza kare nosimba renyu nochido chenyu kuti zviitiwe. 29Zvino, Ishe, nangarai kutsindikira kwavo, batsirai varanda venyu kuti vanyaire shoko renyu vano ushingi hwese. 30Tambanudzai janja renyu kuti muporese nokuita zviratidzo nozvishamiso kuburikidza nozita romuranda wenyu mutsvene Jesu.”
31Zvino vadoti vanyengetera, nzvimbo yavanga vadoungana pabodzi idogwetera, uye vese vadozaziwa naMweya Mutsvene, ndokunyaira shoko raMwari nochivindi.
Vatendi Vanokoverana Zvinhu Zvavo
32Zvino gurusvusvu rovanotenda vanga vanomwoyo nomweya mubodzi, panga pasinai waiti chinhu chaanacho nyhache wega, asi zvinhu zvese vadoti nzvavo vese. 33Nosimba rikuru nhumwa dzidopfakaza nozvokumuka kwaIshe Jesu, mutsa mukuru ndokuva pamusoro pavo vese. 34Hapanai kudzova nomunhu waisaya chinhu pakati pavo, ndava vese vanga vanominda kana dzimba vadotengesa, vachiuya nomari yozvinhu zvavanga vatengesa, 35ndokuyiisa pamberi ponhumwa. Mari idokovehwa munhu umwe noumwe pakushaiwa kwache.
36Uye Josefa adotenzewa nonhumwa kuti Bhanabhasi, (ndokuti mwanakomana wokukurudzira), Murevhi, nzvahwa yokuSaipurasi, 37adotengesa munda wache, ndokuuya nomari achiiisa patsoka dzonhumwa.
ទើបបានជ្រើសរើសហើយ៖
Mabasa yoNhumwa 4: KBT
គំនូសចំណាំ
ចែករំលែក
ចម្លង
ចង់ឱ្យគំនូសពណ៌ដែលបានរក្សាទុករបស់អ្នក មាននៅលើគ្រប់ឧបករណ៍ទាំងអស់មែនទេ? ចុះឈ្មោះប្រើ ឬចុះឈ្មោះចូល
The Word for The World International

: