1
Johani 14:27
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu. Handikupei sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye musatya.
Comparar
Explorar Johani 14:27
2
Johani 14:6
Jesu akapindura akati, “Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri.
Explorar Johani 14:6
3
Johani 14:1
“Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika. Tendai kuna Mwari; mutendewo kwandiri.
Explorar Johani 14:1
4
Johani 14:26
Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uyo achatumwa naBaba muzita rangu, achakudzidzisai zvinhu zvose uye achakuyeuchidzai zvinhu zvose zvandakareva kwamuri.
Explorar Johani 14:26
5
Johani 14:21
Ani naani ane mirayiro yangu uye anoiteerera, ndiye anondida iyeye. Uyo anondida achadikanwa naBaba vangu, neniwo ndichamuda uye ndichazviratidza kwaari.”
Explorar Johani 14:21
6
Johani 14:16-17
Uye ini ndichakumbira Baba, vagokupai mumwe Munyaradzi kuti agare nemi nokusingaperi, iye Mweya wechokwadi. Nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuoni uye haimuzivi. Asi imi munomuziva, nokuti agere nemi uye achava mukati menyu.
Explorar Johani 14:16-17
7
Johani 14:13-14
Uye ndichaita zvose zvamunokumbira muzita rangu, kuitira kuti Mwanakomana avigire Baba kukudzwa. Kana mukakumbira chinhu chipi zvacho muzita rangu, ndichachiita.
Explorar Johani 14:13-14
8
Johani 14:15
“Kana muchindida, muchateerera zvandinokurayirai.
Explorar Johani 14:15
9
Johani 14:2
Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai zvaiva zvisizvo, ndingadai ndakuudzai. Ndiri kuenda ikoko kundokugadzirirai nzvimbo.
Explorar Johani 14:2
10
Johani 14:3
Uye kana ndikaenda kundokugadzirirai nzvimbo, ndichadzoka ndozokutorai kuti muve neni, kuti nemiwo mugova kwandinenge ndiri.
Explorar Johani 14:3
11
Johani 14:5
Tomasi akati kwaari, “Ishe hatizivi kwamuri kuenda, saka nzira yacho tingaiziva seiko?”
Explorar Johani 14:5