YouVersion Logo
Search Icon

Zvakazarurwa 1

1
Mavambo
1Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari kuti aratidze varanda vake zvinofanira kuitika nokukurumidza. Akazvizivisa nokutumira kwaakaita mutumwa wake kumuranda wake Johani, 2iye anopupura zvose zvaakaona, iro shoko raMwari uye nouchapupu hwaJesu Kristu. 3Akaropafadzwa uyo anoverenga mashoko ouprofita uhu, uye vakaropafadzwa avo vanohunzwa uye vagochengeta pamwoyo yavo zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedyo.
Kwaziso noKurumbidzwa kwaMwari
4Johani, kukereke nomwe dziri mudunhu reEzhia:
Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna iye aripo, uye akanga aripo, naiye achazouya, nokumweya minomwe iri pamberi pechigaro chake choushe, 5nokuna Jesu Kristu, iye chapupu chakatendeka, dangwe kubva kuvakafa, nomutongi wamadzimambo enyika.
Kuna iye anotida uye akatisunungura kubva kuzvivi zvedu neropa rake, 6uye akatiita ushe nouprista kuti tishumire Mwari naBaba vake, ngaave nokubwinya nesimba nokusingaperi-peri! Ameni.
7Tarirai, ari kuuya namakore,
uye meso ose achamuona,
kunyange naivo vakamubaya;
uye marudzi ose enyika achachema nokuda kwake.
Saka zvichaita saizvozvo! Ameni.
8“Ndini Arifa naOmega,” ndizvo zvinotaura Ishe Mwari, “iye aripo, akanga aripo, uye achazouya, Wamasimba Ose.”
Mumwe akaita soMwanakomana woMunhu
9Ini Johani, hama yenyu nomufambidzani wenyu mumatambudziko, muumambo, nomukutsungirira nomwoyo murefu wedu muna Jesu, ndakanga ndiri pachitsuwa chePatimosi nokuda kweshoko raMwari uye nouchapupu hwaJesu. 10Pazuva raShe, ndakanga ndiri muMweya, uye ndikanzwa mushure mangu inzwi guru rinenge rehwamanda, 11richiti, “Nyora mubhuku rakapetwa zvaunoona ugozvitumira kukereke nomwe: dzokuEfeso, Simina, Pegamo, Tiatira, Sadhisi, Firadherifia neRaodhikea.”
12Ndakatendeuka ndikatarisa kuti ndione inzwi rakanga richitaura kwandiri. Uye ndakatendeuka ndikaona zvigadziko zvemwenje, 13uye pakati pezvigadziko zvemwenje pakanga pano mumwe akanga “akaita somwanakomana womunhu,” akafuka nguo yaisvika kutsoka dzake uye ane bhanhire regoridhe pachipfuva chake. 14Musoro wake nebvudzi rake zvakanga zvakachena samakushe, zvakachena sechando, uye meso ake akanga akaita somurazvo womoto. 15Tsoka dzake dzakanga dzakaita sendarira inopenya muvira romoto, uye inzwi rake rakanga rakaita somubvumo wemvura zhinji. 16Akanga akabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi, uye mumuromo make makabuda munondo unopinza, unocheka mativi ose. Chiso chake chakanga chakaita sezuva rinopenya nokupenya kwaro kwose.
17Pandakamuona, ndakawira patsoka dzake kunge ndafa. Ipapo akaisa ruoko rwake rworudyi pamusoro pangu akati, “Usatya. Ndini Wokutanga neWokupedzisira. 18Ndini iye Mupenyu; ndakanga ndafa, uye tarira, ndiri mupenyu nokusingaperi-peri! Uye ndakabata kiyi dzorufu neHadhesi.
19“Naizvozvo, nyora zvawaona, zviripo zvino nezvichazoitika shure kwaizvozvi. 20Chakavanzika chenyeredzi nomwe dzawaona muruoko rwangu rworudyi nechezvigadziko zvinomwe zvemwenje ndechichi: Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe, uye zvigadziko zvinomwe zvemwenje ndidzo kereke nomwe.

Currently Selected:

Zvakazarurwa 1: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy