YouVersion Logo
Search Icon

Zvirevo 1

1
Mavambo: Chinangwa neDingindira
1Zvirevo zvaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo weIsraeri:
2kuti uwane uchenjeri nokurayirwa;
nokunzwisisa mashoko enjere;
3kuti uve noupenyu hwokuzvibata hune uchenjeri
uchiita zvakarurama nokururamisira uye nokuenzanisira;
4kuti vasina mano vapiwe uchenjeri,
jaya ripiwe ruzivo namano,
5vakachenjera ngavanzwe uye vagowedzera pakudzidza kwavo,
uye vanonzvera ngavawane kutungamirirwa,
6kuti vanzwisise zvirevo nemifananidzo,
mashoko nezvirahwe zvavakachenjera.
7Kutya Jehovha ndiwo mavambo ezivo,
asi mapenzi anoshora uchenjeri nokurayirwa.
Kugamuchira Uchenjeri kunokurudzirwa
Yambiro pamusoro poUnyengeri
8Mwanakomana wangu, teerera,
kurayira kwababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.
9Zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako
nouketani hunoshongedza mutsipa wako.
10Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikukwezva,
usabvuma zvavari kuda kuti uite.
11Kana vakati, “Handei tose;
ngativandirei munhu timuuraye;
ngativandirei mweya usina mhosva;
12ngativamedzei vari vapenyu, seguva,
uye vakakwana kudaro savaya vanodzika mugomba;
13tichawana marudzi ose ezvinhu zvinokosha
tigozadza dzimba dzedu nezvatichapamba;
14isa zvinhu zvako pamwe chete nesu,
tigova nechikwama chimwe chete,”
15mwanakomana wangu, usabvumirana navo,
usaisa rutsoka panzira dzavo;
16nokuti tsoka dzavo dzinomhanyira muchivi,
vanokurumidza kundodeura ropa.
17Hazvibatsiri sei kutambanudza mumbure
shiri dzose dzichinyatsoona!
18Varume ava vanovandira ropa ravo vomene;
vanozvivandira ivo pachavo!
19Aya ndiwo magumo avaya vanotsvaka pfuma nenzira yakaipa;
inouraya vaya vanoiwana.
Yambiro pamusoro poKuramba Uchenjeri
20Uchenjeri hunodanidzira nenzwi guru mumugwagwa,
hunokwidza inzwi rahwo pachivara;
21kumusoro kwemigwagwa ine ruzha hunodanidzira,
pamasuo eguta hunotaura shoko rahwo huchiti:
22“Kusvikira riniko imi vasina mano, muchingoda kugara musina mano?
Kusvikira riniko vaseki vachifarira kuseka,
uye mapenzi achivenga zivo?
23Dai makateerera kutsiura kwangu,
ndingadai ndakadurura mwoyo wangu kwamuri
uye ndakazivisa pfungwa dzangu kwamuri.
24Asi sezvo makandiramba pandakakudanai
uye pasina kana mumwe akateerera pandakatambanudza ruoko rwangu,
25sezvo makashaya hanya nokurayira kwangu,
uye mukasagamuchira kutsiura kwangu,
26iniwo ndichaseka panguva yenjodzi yenyu;
ndichaseka dambudziko parichakusvikirai,
27dambudziko parichakukundai sedutu,
njodzi paichavhuvhuta pamusoro penyu sechamupupuri,
nhamo namatambudziko pazvichakukundai.
28“Ipapo vachadana kwandiri asi ini handingavapinduri;
vachanditsvaka asi havangandiwani.
29Sezvo vakavenga zivo
uye vakasasarudza kutya Jehovha,
30sezvo vasina kugamuchira yambiro yangu,
uye vakashora kutsiura kwangu,
31vachadya zvibereko zvenzira dzavo
uye vachazadzwa nezvibereko zvemano avo.
32Nokuti kusateerera kwavasina mano kuchavaurayisa,
uye kushaya hanya kwamapenzi kuchavaparadza;
33asi ani naani achanditeerera achagara murugare,
uye achagara akasununguka, asingatyi kuparadzwa.”

Currently Selected:

Zvirevo 1: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy