YouVersion Logo
Search Icon

Obhadhia 1

1
1Zvakaratidzwa Obhadhia.
Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro peEdhomu:
Takanzwa shoko rakabva kuna Jehovha richiti:
Nhume yakatumwa kundudzi kuti indotaura ichiti,
“Simukai, tiende tindorwa hondo naye.”
2“Tarirai, ndichakudukupisai pakati pendudzi;
muchamhurwa zvachose.
3Kuzvikudza kwemwoyo yenyu kwakakunyengerai,
iyemi mugere mumikaha yamatombo
muchiita kwakakwirira misha yenyu,
imi munoti mumwoyo yenyu,
‘Ndianiko angandiburutsira pasi?’
4Kunyange mukabhururuka segondo
mukaruka dendere renyu pakati penyeredzi,
kubva ipapo ndichakukandai pasi,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
5“Kana mbavha dzikauya kwamuri,
kana makororo usiku,
haiwa, muchaparadzwa zvakadiniko?
Havazoba kusvikira pavanoda here?
Dai vatanhi vamazambiringa vaiuya kwamuri,
ko, havaizosiya mazambiringa mashoma here?
6Asi Esau achasiyiwa seiko asina chinhu,
pfuma yake yakavigwa ichatorwa!
7Vose vaiva nesungano newe vachakumanikidza kusvikira kumuganhu;
shamwari dzako dzichakunyengera dzigokukunda;
vanodya zvokudya zvako vachakuisira musungo,
asi haungazvizivi.
8“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha,
“handingazoparadzi vachenjeri veEdhomu,
varume vazere nokunzwisisa pakati pamakomo eEdhomu here?
9Mhare dzako, iwe Temani,
dzichavhunduka,
uye vose vari mumakomo aEsau vachaparara pakuurayiwa ikoko.
10Nokuda kwokuti wakarwisa mununʼuna wako Jakobho,
uchafukidzwa nenyadzi;
uchaparadzwa nokusingaperi.
11Zuva iro rawakamira kure,
vatorwa pavakatakura pfuma yake vakaenda nayo,
uye vabvakure vakapinda mumasuo ake,
vakakanda mijenya pamusoro peJerusarema,
iwe wakaita somumwe wavo.
12Haufaniri kutarisira mununʼuna wako pasi,
pazuva rokushayiwa kwake,
kana kufara pamusoro pavanhu veJudha,
pazuva rokuparadzwa kwavo,
kana kuzvikudza zvakanyanya
pazuva rokutambudzika kwavo.
13Hamufaniri kufamba napamasuo avanhu vangu,
pazuva renjodzi yavo,
kana kuvatarisira pasi vava munjodzi,
pazuva renjodzi yavo,
kana kuvatorera pfuma yavo
pazuva renhamo yavo.
14Hamufaniri kumira pamharadzano dzenzira,
kuti muuraye vanotiza vavo,
kana kuisa vakasara vavo kuvavengi vavo,
pazuva rokutambudzika kwavo.
15“Zuva raJehovha rava pedyo
kundudzi dzose.
Sezvamakaita, ndizvo zvichaitwawo kwamuri;
mabasa enyu achadzokera pamisoro yenyu chaiyo.
16Sezvamakanwa pagomo rangu dzvene,
saizvozvowo ndudzi dzose dzicharamba dzichingonwa;
dzichanwa nokunwa dzikaita
sedzisina kumbovapo.
17Asi paGomo reZioni pachava nokununurwa;
richava dzvene,
uye imba yaJakobho
ichadzoserwa nhaka yayo.
18Imba yaJakobho ichava moto,
uye imba yaJosefa murazvo womoto;
imba yaEsau ichava mashanga,
uye vachaipisa nomoto vagoipedza.
Hakuzovi navanopona
muimba yaEsau.”
Jehovha ataura izvozvo.
19Vanhu vanobva kuNegevhi
vachagara mumakomo aEsau,
uye vanhu vanobva mujinga mezvikomo
vachatora nyika yavaFiristia kuti ive yavo.
Vachatora minda yaEfuremu pamwe chete neSamaria,
kuti zvive zvavo, uye Bhenjamini achatora Gireadhi kuti ive yake.
20Ungano iyi yavaIsraeri vakadzingwa vagere muKenani
ichatora nyika kusvikira kuZarefati;
vakadzingwa kubva muJerusarema vagere muSefaradhi
vachatora maguta eNegevhi.
21Vaponesi vachakwira pamusoro peGomo reZioni,
kuti vandotonga makomo aEsau.
Uye ushe huchava hwaJehovha.

Currently Selected:

Obhadhia 1: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy