YouVersion Logo
Search Icon

Numeri 1

1
Kuverengwa kwaVanhu
1Jehovha akataura naMozisi muTende Rokusangana, vari murenje reSinai, nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, mugore rechipiri shure kwokubuda kwavaIsraeri muIjipiti, achiti, 2“Verenga ungano yose yavaIsraeri nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo, uchinyora murume wose wose nezita rake, mumwe nomumwe. 3Iwe naAroni munofanira kuverenga varume vose vari muIsraeri namapoka avo vane makore makumi maviri kana anodarika vanogona kurwa muhondo. 4Murume mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe, mumwe nomumwe ari mukuru wemhuri yake achakubatsira.
5“Aya ndiwo mazita avarume vanofanira kukubatsira:
“kubva kwaRubheni, Erizuri mwanakomana waShedheuri;
6kubva kwaSimeoni, Sherumieri mwanakomana waZurishadhai;
7kubva kwaJudha, Nashoni mwanakomana waAminadhabhi;
8kubva kwaIsakari, Netaneri mwanakomana waZuari;
9kubva kwaZebhuruni, Eriabhi mwanakomana waHeroni;
10kubva kuvanakomana vaJosefa:
kubva kuna Efuremu, Erishama mwanakomana waAmihudhi;
kubva kuna Manase, Gamarieri mwanakomana waPedhazuri;
11kubva kwaBhenjamini, Abhidhani mwanakomana waGidheoni;
12kubva kwaDhani, Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai;
13kubva kwaAsheri, Pagieri mwanakomana waOkirani;
14kubva kwaGadhi, Eriasafi mwanakomana waDheueri;
15kubva kwaNafutari, Ahira mwanakomana waEnani.”
16Ava ndivo varume vakatsaurwa kubva paungano, vatungamiri vamarudzi amadzibaba avo. Ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavaIsraeri.
17Mozisi naAroni vakatora varume ava vane mazita avakanga vapiwa, 18vakaunganidza ungano yose pamwe chete pazuva rokutanga romwedzi wechipiri. Vanhu vakaratidza madzitateguru avo, dzimba dzavo nemhuri dzavo, uye varume vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vakanyorwa mazita avo mumwe nomumwe, 19sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Nokudaro akavaverenga muRenje reSinai:
20Kubva kuzvizvarwa zvaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri:
Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakaverengwa uye vakanyorwa mazita, mumwe nomumwe, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. 21Vakaverengwa kubva kurudzi rwaRubheni vaiva zviuru makumi mana nezvitanhatu, namazana mashanu.
22Kubva kuzvizvarwa zvaSimeoni:
Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakaverengwa uye vakanyorwa mazita, mumwe nomumwe, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. 23Vakaverengwa vaibva kurudzi rwaSimeoni vaisvika zviuru makumi mashanu nezvipfumbamwe, namazana matatu.
24Kubva kuzvizvarwa zvaGadhi:
Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika, vaigona kurwa muhondo, vakanyorwa mazita maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. 25Vakaverengwa kubva kurudzi rwaGadhi vaisvika zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu namakumi mashanu.
26Kubva kuzvizvarwa zvaJudha:
Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. 27Vakaverengwa kubva kurudzi rwaJudha vaisvika zviuru makumi manomwe nezvina, namazana matanhatu.
28Kubva kuzvizvarwa zvaIsakari:
Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. 29Vakaverengwa kubva kurudzi rwaIsakari vaisvika zviuru makumi mashanu nezvina, namazana mana.
30Kubva kuzvizvarwa zvaZebhuruni:
Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. 31Vakaverengwa kubva kurudzi rwaZebhuruni vaisvika zviuru makumi mashanu nezvinomwe, namazana mana.
32Kubva kuvanakomana vaJosefa:
Kubva kuzvizvarwa zvaEfuremu:
Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. 33Vakaverengwa kubva kurudzi rwaEfuremu vaisvika zviuru makumi mana, namazana mashanu.
34Kubva kuzvizvarwa zvaManase:
Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. 35Vakaverengwa kubva kurudzi rwaManase vaisvika zviuru makumi matatu nezviviri, namazana maviri.
36Kubva kuzvizvarwa zvaBhenjamini:
Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba nezvemhuri dzavo. 37Vakaverengwa kubva kurudzi rwaBhenjamini vaisvika zviuru makumi matatu nezvishanu, namazana mana.
38Kubva kuzvizvarwa zvaDhani:
Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika, vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. 39Vakaverengwa kubva kurudzi rwaDhani vaisvika zviuru makumi matanhatu nezviviri, namazana manomwe.
40Kubva kuzvizvarwa zvaAsheri:
Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo uye nezvemhuri dzavo. 41Vakaverengwa kubva kurudzi rwaAsheri vaisvika zviuru makumi mana nechimwe chete, namazana mashanu.
42Kubva kuzvizvarwa zvaNafutari:
Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo. 43Vakaverengwa kubva kurudzi rwaNafutari vaisvika zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana.
44Ava ndivo varume vakaverengwa naMozisi naAroni navatungamiri veIsraeri gumi nevaviri, mumwe nomumwe achimiririra mhuri yake. 45VaIsraeri vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo yeIsraeri vakaverengwa maererano nemhuri dzavo. 46Vose vakaverengwa vakasvika zviuru mazana matanhatu nezvitatu, namazana mashanu ana makumi mashanu.
47Kunyange zvakadaro, mhuri dzavaRevhi hadzina kuverengwa pamwe chete navamwe. 48Jehovha akanga ati kuna Mozisi: 49“Haufaniri kuverenga rudzi rwaRevhi kana kuvabatanidzira pakuverengwa kwavamwe vaIsraeri. 50Asi ugadze vaRevhi kuti vave vatariri vetabhenakeri yeChipupuriro, napamusoro pemidziyo yayo yose; vanofanira kutakura tabhenakeri nemidziyo yayo yose; vanofanira kuichengeta nokuikomberedza nemisasa yavo. 51Panguva yose inobviswa tabhenakeri, vaRevhi ndivo vanofanira kuidzikisa pasi, uye panguva yose yainomiswa, vaRevhi ndivo vanofanira kuita izvozvo. Ani zvake mumwewo anoswedera kwairi achaurayiwa. 52VaIsraeri vanofanira kudzika matende avo namapoka avo, murume mumwe nomumwe mumusasa wake pasi pomureza wokwake. 53Zvakadaro hazvo, vaRevhi, vanofanira kudzika matende avo vakapoteredza tabhenakeri yeChipupuriro kuitira kuti hasha dzirege kuwira pamusoro peungano yavaIsraeri. VaRevhi ndivo vane basa rokuchengeta tabhenakeri yeChipupuriro.”
54VaIsraeri vakaita izvi zvose sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

Currently Selected:

Numeri 1: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy