YouVersion Logo
Search Icon

Muparidzi 1

1
Zvose hazvina maturo
1Mashoko oMuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo muJerusarema:
2Zvanzi noMuparidzi,
“Hazvina maturo! Hazvina maturo!
Hazvina maturo chose!
Zvose hazvina maturo.”
3Munhu achawaneiko kubva pakushanda kwake kwose
kwaanoita nesimba pasi pezuva?
4Zvizvarwa zvinouya uye zvizvarwa zvinoenda,
asi nyika inogara nokusingaperi.
5Zuva rinobuda uye zuva rinovira,
uye rinokurumidza kudzokerazve kwarinobudira.
6Mhepo inovhuvhuta ichienda zasi,
yozodzokera kumusoro;
inotenderera nokutenderera
ichingodzokerazve pagwara rayo.
7Nzizi dzose dzinodira mugungwa,
kunyange zvakadaro gungwa harizari.
Kunzvimbo kwadzinobva nzizi,
ikoko ndiko kwadzinodzokerazve.
8Zvinhu zvose zvinonetesa,
zvisina ani angazvitaura.
Ziso hariguti kuona,
uye nzeve haizari nokunzwa.
9Chakanga chiripo, chichazovapozve,
chakamboitwa chichaitwazve;
hapana chitsva pasi pezuva.
10Chiripo here chinhu chinganzi nomunhu,
“Tarira! Chinhu ichi chitsva?”
Chakanga chichingovapo, kare kare;
chakanga chiripo isu tisati tavapo.
11Vanhu vakare havacharangarirwi;
uye kunyange vanovatevera,
havachazorangarirwi
nevanozotevera.
Uchenjeri hahuna maturo
12Ini muparidzi ndakanga ndiri mambo weIsraeri muJerusarema. 13Ndakazvipira kunzvera nokutsvaka nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga. Ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu naMwari kuti vazvitambudze naro. 14Ndakaona zvinhu zvose zvinoitwa pasi pezuva; zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo bedzi.
15Chakakombamiswa hachingatwasanudzwi;
chinoshayikwa hachingaverengwi.
16Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Tarira, ndazviwanira uchenjeri hwakawanda kupfuura vose vakanditangira kutonga muJerusarema; ndava nouchenjeri uye noruzivo rwakawanda.” 17Ipapo ndakazvipira kutsvaka kunzwisisa uchenjeri uyezve noupengo noupenzi, asi ndakadzidzawo zvakare kuti, naizvozviwo kudzingana nemhepo.
18Nokuti muuchenjeri huzhinji mune kusuwa kuzhinji;
kuwanda kwezivo, kuwandawo kwokuchema.

Currently Selected:

Muparidzi 1: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy