YouVersion Logo
Search Icon

Amosi 1

1
1Mashoko aAmosi mumwe wavafudzi veTekoa, zvaakaona pamusoro peIsraeri makore maviri kudengenyeka kwenyika kusati kwaitika, Uzia paakanga ari mambo weJudha uye Jerobhoamu mwanakomana waJoashi ari mambo weIsraeri.
2Akati:
“Jehovha anoomba ari paZioni
uye anotinhira ari paJerusarema;
mafuro avafudzi anooma,
pamusoro peKarimeri panosvava.”
Vavakidzani veIsraeri vanotongwa
3Zvanzi naJehovha:
“Nemhaka yezvivi zvitatu zveDhamasiko,
kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu.
Nokuti vakapura Gireadhi
nemipuro ina meno amatare,
4ndichatumira moto paimba yaHazaeri
uchaparadza nhare dzaBheni Hadhadhi.
5Ndichavhuna suo reDhamasiko;
ndichaparadza mambo agere mumupata weAvheni
uye nouyo akabata tsvimbo youshe muBheti Edheni.
Vanhu veAramu vachaenda muutapwa kuKiri,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
6Zvanzi naJehovha:
“Nemhaka yezvivi zvitatu zveGaza,
kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu.
Nokuti vakatapa rudzi rwose
uye vakavatengesa kuEdhomu,
7ndichatuma moto pamusoro pamasvingo eGaza
uchaparadza nhare dzake.
8Ndichaparadza mambo weAshidhodhi
uye nouyo akabata tsvimbo youshe muAshikeroni.
Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuti ndirwise Ekironi
kusvikira vaFiristia vose vapera kufa,”
ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
9Zvanzi naJehovha:
“Nemhaka yezvivi zvitatu zveTire,
kunyange zvina handingadzori hasha dzangu.
Nokuti akatengesera Edhomu rudzi rwose savatapwa,
akasacherechedza sungano youkama,
10ndichatuma moto pamasvingo eTire,
uchaparadza nhare dzake.”
11Zvanzi naJehovha:
“Nemhaka yezvivi zvitatu zvaEdhomu,
kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu.
Nokuti akadzinganisa mununʼuna wake nomunondo,
akaramba kumunzwira tsitsi,
nokuti kutsamwa kwake kwakaramba kwakangodaro,
uye hasha dzake dzakapfuta, hadzina akadzimisa,
12ndichatuma moto pamusoro peTemani
uchaparadza nhare dzeBhozira.”
13Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaAmoni,
kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu.
Nokuti akatumbura vakadzi vane mimba veGireadhi,
kuti awedzere miganhu yake,
14ndichatungidza moto pamasvingo eRabha
uchaparadza nhare dzaro,
pakati pemheremhere yehondo pazuva rokurwa,
pakati pemhepo huru nezuva redutu.
15Mambo wake achaenda kuutapwa,
iye namakurukota ake pamwe chete,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.

Currently Selected:

Amosi 1: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy