YouVersion Logo
Search Icon

1 VaTesaronika 1

1
1Pauro, Sirasi naTimoti, kukereke yavaTesaronika muna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu:
Nyasha norugare ngazvive nemi.
Anovonga vaTesaronika paKutenda kwavo
2Tinogara tichivonga Mwari nokuda kwenyu mose, tichikutaurai muminyengetero yedu. 3Tinoramba tichirangarira pamberi paMwari wedu naBaba vedu, basa renyu rinobva pakutenda, nokushanda kwenyu kunobva parudo, uye nokutsungirira kwenyu kunobva patariro iri muna Ishe Jesu Kristu.
4Nokuti tinoziva, hama dzinodikanwa naMwari, kuti akakusarudzai, 5nokuti vhangeri redu harina kuuya kwamuri namashoko bedzi, asi nesimbawo, noMweya Mutsvene uye nokuziva kwakadzama. Munoziva kuti takagara sei pakati penyu nokuda kwenyu. 6Makava vateveri vedu uye nevaIshe; pakati pokutambudzika kukuru, makagamuchira shoko nomufaro unopiwa naMweya Mutsvene. 7Nokudaro makava muenzaniso kuvatendi vose vari muMasedhonia neAkaya. 8Shoko raShe rakanzwika kubva kwamuri kwete muMasedhonia neAkaya bedzi, kutenda kwenyu muna Mwari kwakazivikanwa kwose kwose. Naizvozvo hatifaniri kutaura chinhu pamusoro pazvo, 9nokuti ivo pachavo vanozivisa kuti takagamuchirwa sei navo. Vanotaura kuti makadzokera sei kuna Mwari muchibva kuzvifananidzo kuti mushumire Mwari mupenyu uye wechokwadi, 10uye kuti mumirire Mwanakomana wake anobva kudenga, uyo waakamutsa kubva kuvakafa, Jesu, anotinunura kubva pakutsamwa kuchauya.

Currently Selected:

1 VaTesaronika 1: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy