YouVersion Logo
Search Icon

1 Makoronike 24

24
Mapoka aVaprista
1Aya ndiwo aiva mapoka avanakomana vaAroni:
Vanakomana vaAroni vaiva: Nadhabhi, Abhihu, Ereazari naItamari. 2Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa baba vavo vasati vafa, uye vakanga vasina vanakomana; saka Ereazari naItamari vakashumira savaprista. 3Achibatsirwa naZadhoki chizvarwa chaEreazari naAhimereki chizvarwa chaItamari, Dhavhidhi akavapatsanura akavaisa mumapoka kuti vaite basa ravo roushumiri ravakanga varayirwa. 4Vatungamiri vazhinji vakanyanyowanikwa pane zvizvarwa zvaEreazari kupfuura pakati pezvizvarwa zvaItamari uye vakaiswa mumapoka zvakakodzerana: vakuru gumi navatanhatu kubva kuzvizvarwa zvaEreazari uye vakuru vasere kubva kuzvizvarwa zvaItamari. 5Vakavaisa mumapoka zvakakodzerana, nokukanda mijenya nokuti paiva navabati venzvimbo tsvene navabati vaMwari pakati pezvizvarwa zvaEreazari nezvizvarwa zvaItamari.
6Munyori Shemaya mwanakomana waNetaneri, muRevhi, akanyora mazita avo pamberi pamambo, napamberi pavabati vaiti: Zadhoki muprista, Ahimereki mwanakomana waAbhiatari navakuru vemhuri dzavaprista navaRevhi mhuri imwe chete ichitorwa kubva kuna Ereazari uye imwe chete kubva kuna Itamari.
7Mujenya wokutanga wakawira pana Jehoyaribhi,
wechipiri pana Jedhaya,
8wechitatu kuna Harimi,
wechina kuna Seorimi,
9wechishanu kuna Marikia,
wechitanhatu kuna Miyamini,
10wechinomwe kuna Hakozi,
wechisere kuna Abhija,
11wepfumbamwe kuna Jeshua,
wegumi kuna Shekania,
12wegumi nomumwe kuna Eriashibhi,
wegumi nembiri kuna Jakimi,
13wegumi nenhatu kuna Hupa,
wegumi neina kuna Jeshebheabhi,
14wegumi neshanu kuna Bhiriga,
wegumi nenhanhatu kuna Imeri,
15wegumi nenomwe kuna Heziri,
wegumi netsere kuna Hapizezi,
16wegumi nepfumbamwe kuna Petahia,
wemakumi maviri kuna Jehezikeri,
17wemakumi maviri nomumwe kuna Jakini,
wemakumi maviri nembiri kuna Gamuri,
18wemakumi maviri nenhatu kuna Dheraya,
uye wemakumi maviri neina kuna Maazia.
19Iri ndiro raiva basa ravo roushumiri ravakanga varayirwa pavakapinda mutemberi yaJehovha, maererano nemitemo yavakanga vapiwa nababa wavo Aroni sokurayirwa kwaakanga aitwa naJehovha, Mwari waIsraeri.
Vamwe vaRevhi vose
20Kana zviri zvimwe zvizvarwa zvaRevhi:
kubva kuvanakomana vaAmiramu, Shubhaeri;
kubva kuvanakomana vaShubhaeri: Jedheya.
21Kana ari Rehabhia, kuvanakomana vake: Ishia aiva wokutanga.
22Kubva kuvaIzhari: Sheromoti;
kubva kuvanakomana vaSheromoti: Jahati.
23Vanakomana vaHebhuroni vaiva:
Jeria wokutanga, Amaria wechipiri, Jehazieri wechitatu naJekameami wechina.
24Mwanakomana waUzieri aiva: Mika;
kubva kuvanakomana vaMika: Shamiri.
25Mununʼuna waMika: Ishia;
kubva kuvanakomana vaIshia: Zekaria.
26Vanakomana vaMerari vaiva: Mari naMushi.
Mwanakomana waJaazia aiva: Bheno.
27Vanakomana vaMerari vaiva:
kubva kuna Jaazia: Bheno, Shoshami, Zakuri, naIbhiri.
28Kubva kuna Mari: Ereazari, uye akanga asina vanakomana.
29Kubva kuna Kishi mwanakomana waKishi aiva: Jerameeri.
30Uye vanakomana vaMushi vaiti: Mari, Edheri naJerimoti.
Ava ndivo vaiva vaRevhi maererano nemhuri dzavo.
31Vakakandawo mijenya sezvaingoita hama dzavo zvizvarwa zvaAroni, pamberi paMambo Dhavhidhi naZadhoki, Ahimereki navakuru vemhuri dzavaprista navaRevhi. Mhuri dzomukoma pane vose dzaingoverengwa zvimwe chetezvo sedzomudiki pane vose.

Currently Selected:

1 Makoronike 24: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy