YouVersion Logo
Search Icon

1 Makoronike 2

2
Vanakomana vaIsraeri
1Ava ndivo vaiva vanakomana vaIsraeri: Rubheni, Simeoni, Revhi, Judha, Isakari, Zebhuruni, 2Dhani, Josefa, Bhenjamini, Nafutari, Gadhi naAsheri.
Judha
Kuvanakomana vaHezironi
3Vanakomana vaJudha vaiva:
Eri, Onani naShera. Vatatu ava akavaberekerwa nomudzimai wechiKenani, mwanasikana waShua.
Eri dangwe raJudha, akanga akaipa pamberi paJehovha. Saka Jehovha akamuuraya.
4Tamari muroora waJudha akamuberekera Perezi naZera.
Judha aiva navanakomana vashanu vose pamwe chete.
5Vanakomana vaPerezi vaiva:
Hezironi naHamuri.
6Vanakomana vaZera vaiva:
Zimuri, Etani, Hemani, Karikori naDharidha; vose vaiva vashanu.
7Mwanakomana waKarimi aiva:
Akari, uyo akauyisa matambudziko pamusoro peIsraeri nokutyora murayiro wokusatora zvinhu zvakaereswa.
8Mwanakomana waEtani ainzi
Azaria.
9Vanakomana vaHezironi vaiva:
Jerameeri, Rami naKarebhu.
Kubva kuna Rami mwanakomana waHezironi
10Rami aiva baba vaAminadhabhi,
uye Aminadhabhi aiva baba vaNahashoni mutungamiri wavanhu veJudha.
11Nahashoni aiva baba vaSarimoni,
Sarimoni ari baba vaBhoazi,
12Bhoazi aiva baba vaObhedhi
uye Obhedhi aiva baba vaJese.
13Jese aiva baba
vaEriabhi dangwe rake; mwanakomana wake wechipiri ainzi Abhinadhabhi,
wechitatu ainzi Shimea, 14wechina ainzi Netaneri,
wechishanu ainzi Radhai, 15wechitanhatu ainzi Ozemi
uye wechinomwe ainzi Dhavhidhi.
16Hanzvadzi dzavo dzaiva Zeruya naAbhigairi.
Vanakomana vatatu vaZeruya vaiva Abhishai, Joabhu naAsaheri.
17Abhigairi aiva amai vaAmasa, baba vaAmasa vainzi Jeteri muIshumaeri.
Karebhu mwanakomana waHezironi
18Karebhu mwanakomana waHezironi akabereka vana nomudzimai wake Azubha (uye naJerioti). Ava ndivo vaiva vanakomana vake:
Jesheri Shobhabhi naAridhoni.
19Azubha paakafa Karebhu akaroora Efurati uyo akamuberekera Huri.
20Huri aiva baba vaUri uye Uri aiva baba vaBhezareri.
21Shure kwaizvozvo, Hezironi akavata nomwanasikana waMakiri baba vaGireadhi; akanga amuwana paakanga ava namakore makumi matanhatu; akamuberekera Segubhi.
22Segubhi aiva baba vaJairi, uyo aitonga maguta makumi maviri namatatu muGireadhi.
23(Asi Geshuri naAramu vakatapa Habhoti Jairi pamwe chete neKenati namaguta akaripoteredza, maguta makumi matanhatu.)
Ava vose vaiva vorudzi rwaMakiri baba vaGireadhi.
24Mushure mokunge Hezironi afira muKarebhu Efurata, Abhija mudzimai waHezironi akamuberekera Ashuri baba vaTekoa.
Jerameeri mwanakomana waHezironi
25Vanakomana vaJerameeri dangwe raHezironi vaiva:
Rami dangwe rake, Bhuna, Oreni, Ozemi naAhija. 26Jerameeri akanga ane mumwe mukadzi, zita rake rainzi Atara. Akanga ari amai vaOnami.
27Vanakomana vaRamu dangwe raJerameeri vaiva:
Maazi, Jamini naEkeri.
28Vanakomana vaOnami vaiva:
Shamai naJadha.
Vanakomana vaShamai vaiva:
Nadhabhi naAbhishuri. 29Mukadzi waAbhishuri ainzi Abhihairi akamuberekera Abhani naMoridhi.
30Vanakomana vaNadhabhi vaiva:
Seredhi naApaimi. Seredhi akafa asina vana.
31Mwanakomana waApaimi
ainzi Ishi uyo aiva baba vaSheshani. Sheshani aiva baba vaArai.
32Vanakomana vaJadha, mununʼuna waShamai vaiva:
Jeteri naJonatani. Jeteri akafa asina vana.
33Vanakomana vaJonatani vaiva:
Pereti naZaza.
Ava ndivo vaiva zvizvarwa zvaJerameeri.
34Sheshani aiva asina vanakomana, aiva navanasikana chete.
Aiva nomuranda wechiIjipita ainzi Jara. 35Sheshani akapa mwanasikana wake kuti ave mukadzi womuranda wake. Jara akamuberekera Atai.
36Atai aiva baba vaNatani,
Natani aiva baba vaZabhadhi,
37Zabhadhi baba vaEfirari,
Efirari baba vaObedhi,
38Obhedhi baba vaJehu,
Jehu baba vaAzaria,
39Azaria baba vaHerezi,
Herezi baba vaEreasa,
40Ereasa baba vaSisimai,
Sisimai baba vaSharumi,
41Sharumi baba vaJekamia,
uye Jekamia aiva baba vaErishama.
Dzimba dzaKarebhu
42Vanakomana vaKarebhu mununʼuna waJerameeri vaiva:
Mesha dangwe rake, uyo aiva baba vaZifi
uye nomwanakomana wake Maresha, uyo aiva baba vaHebhuroni.
43Vanakomana vaHebhuroni vaiva:
Kora, Tapuwa, Rekemu naShema.
44Shema aiva baba vaRahamu,
uye Rahamu baba vaJorikeami.
Rekemu aiva baba vaShamai.
45Mwanakomana waShamai ainzi Maoni,
uye Maoni aiva baba vaBheti Zuri.
46Mumwe murongo waKarebhu ainzi Efa ndiye aiva amai
vaHarani, Moza naGazezi.
Harani aiva baba vaGazezi.
47Vanakomana vaJadhai vaiva:
Regemu, Jotamu, Geshani, Pereti, Efa naShaafi.
48Mumwe murongo waKarebhu ainzi Maaka ndiye aiva amai
vaShebheri naTirana.
49Akaberekawo Shaafi baba vaMadhimana
naShevha baba vaMakibhena naGibhea.
Mwanasikana waKarebhu ainzi Akisa.
50Izvi ndizvo zvizvarwa zvaKarebhu.
Vanakomana vaHuri dangwe raEfurata:
Shobhari baba vaKiriati Jearimi, 51Sarima baba vaBheterehema, naHarefi baba vaBheti Gadheri.
52Zvizvarwa zvaShobhari baba vaKiriati Jearimi zvaiva:
Haroe, hafu yavaManahati, 53uye dzimba dzaKiriati Jearimi dzaiva: vaItiri, vaPuti, vaShumati navaMishirai. Kuna ivava kwakabva vaZorati navaEshitaori.
54Zvizvarwa zvaSarima zvaiva:
Bheterehema, vaNetofati, Atiroti Bheti Joabhu, hafu yavaManahati, vaZori, 55uye dzimba dzavanyori vaigara paJabhezi dzaiva: vaTirati, vaShimeati navaSukati. Ava ndivo vaKeni vakabva kuna Hamati baba veimba yaRekabhi.

Currently Selected:

1 Makoronike 2: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy