YouVersion Logo
Search Icon

1 Makoronike 4

4
Dzimwe Dzimba dzaJudha
1Zvizvarwa zvaJudha zvaiva:
Perezi, Hezironi, Karimi, Huri naShobhari.
2Reaya mwanakomana waShobhari aiva baba vaJahati, uye Jahati ari baba vaAhumai naRahadhi. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzavaZorati.
3Ava ndivo vaiva vanakomana vaEtami:
Jezireeri, Ishima naIdhibashi. Hanzvadzi yavo yainzi Hazereriponi. 4Penueri aiva baba vaGedhori uye Ezeri aiva baba vaHusha.
Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaHuri dangwe raEfurata baba vaBheterehema.
5Ashuri baba vaTekoa vaiva navakadzi vaviri, Hera naNaara.
6Naara akamuberekera Ahuzami, Heferi, Temeni naHaahashitari. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaNaara.
7Vanakomana vaHera vaiva:
Zareti, Zohari, Etinani 8naKozi uyo aiva baba vaAnubhi naHazobhebha nevedzimba dzaAhareri mwanakomana waHaruni.
9Jabhezi aikudzwa zvikuru kukunda vanunʼuna vake. Mai vake vakamutumidza kuti Jabhezi vachiti, “Ndakamubereka mukurwadziwa.” 10Jabhezi akachema kuna Mwari waIsraeri achiti, “Haiwa, dai mandiropafadza mukakurisa nyika yangu! Ruoko rwenyu ngaruve neni, rundichengete kune zvinokuvadza kuitira kuti ndisarwadziwa.” Uye Mwari akamupa zvaakakumbira.
11Kerubhi, mununʼuna waShuha aiva baba vaMehiri uyo aiva baba vaEshitoni. 12Eshitoni aiva baba vaBheti Rafa, Pasea naTehina baba vaIri Nahashi. Ava ndivo vaiva varume veReka.
13Vanakomana vaKenazi vaiva:
Otinieri naSeraya.
Vanakomana vaOtinieri vaiva:
Hatati naMeonotai. 14Meonotai aiva baba vaOfira.
Seraya aiva baba vaJoabhu,
baba vaGe Harashimi. Vakapiwa zita iri nokuti vaiva mhizha.
15Vanakomana vaKarebhu mwanakomana waJefune vaiva:
Iru, Era naNaami.
Mwanakomana waEra
ainzi Kenazi.
16Vanakomana vaJehareri vaiva:
Zifi, Zifa, Tiria naAsareri.
17Vanakomana vaEzira vaiva:
Jeteri, Meredhi, Eferi, naJaroni.
Mumwe wavakadzi vaMeredhi akavaberekera Miriamu, Shamai naIshibha baba vaEshitemoa. 18Ava ndivo vaiva vana vomwanasikana waFaro ainzi Bhitia akanga aroorwa naMeredhi.
Mukadzi wake wechiJudha akabereka Jeredhi baba vaGedhori, Hebheri baba vaSoko, naJekutieri baba vaZanoa.
19Vanakomana vomukadzi waHodhia, hanzvadzi yaNahamu vaiva:
baba vaKeira muGarimi naEshitemoa muMaakati.
20Vanakomana vaShimoni vaiva:
Amunoni, Rina, Bheni-Hanani naTironi.
Zvizvarwa zvaIshi zvaiva:
Zoheti naBheni-Zoheti.
21Vanakomana vaShera mwanakomana waJudha vaiva:
Eri baba vaReka, Raadha baba vaMaresha nedzimba dzavairuka mucheka wakaisvonaka paBheti Ashibhea.
22Jokimi, varume veKozebha naJoashi naSarafi vaitonga muMoabhu naJashubhi Rehemi. (Zvinyorwa izvi ndezvakare.) 23Vaiva vaumbi vehari vaigara paNetaimi nepaGedhera; vaigarapo vachishandira mambo.
Simeoni
24Zvizvarwa zvaSimeoni zvaiva:
Nemueri, Jamini, Jaribhi, Zera naShauri;
25Sharumi aiva mwanakomana waShauri, Mibhisami ari mwanakomana wake naMishima mwanakomana wake.
26Zvizvarwa zvaMishima zvaiva:
Hamueri mwanakomana wake, Zakuri mwanakomana wake naShimei mwanakomana wake.
27Shimei aiva navanakomana gumi navatanhatu navanasikana vatanhatu, asi vanunʼuna vake vaiva vasina vana vakawanda; saka rudzi rwavo haruna kuwanda sokuwanda kwavanhu vavaJudha. 28Vaigara muBheerishebha Moradha, Hazari Shuari, 29Bhiriha, Ezemi, Toradhi, 30Bhetueri, Horima, Zikiragi, 31Bheti Makabhoti, Hazari Susimi, Bheti Bhiri neSharaimi. Aya ndiwo aiva maguta avo kusvikira pakutonga kwaDhavhidhi. 32Misha yaiva yakaapoteredza yaiva: Etami, Aini, Rimoni, Tokeni neAshani, maguta mashanu 33nemisha yose yakanga yakaapoteredza kusvika kuBhaarati. Idzi ndidzo nzvimbo dzavaigara.
Uye vakachengeta nhoroondo yezvizvarwa zvavo:
34Meshobhabhi, Jamireki,
Josha mwanakomana waAmazia, 35Joere,
Jehu mwanakomana waJoshibhia, mwanakomana waSeraya, mwanakomana waAsieri,
36uye Erioenai, Jaakobha, Jeshohaya,
Asaya, Adhieri, Jesimieri, Bhenaya,
37naZiza mwanakomana waShifi, mwanakomana waAroni mwanakomana waJedhaya, mwanakomana waShimiri, mwanakomana waShemaya.
38Varume vakanyorwa pamusoro namazita avo vaiva vatungamiri vedzimba dzavo.
Mhuri dzavo dzakakura kwazvo 39uye vakaenda kumucheto kweGedhori kurutivi rwokumabvazuva nomupata vachitsvakira makwai avo mafuro. 40Vakawana mafuro akanaka kwazvo akapfuma, uye nyika yakanaka ine nzvimbo huru ine runyararo norugare. VaHamu ndivo vakanga vachimbogaramo kare.
41Varume vane mazita akanyorwa vakauya pamazuva aHezekia mambo waJudha. Vakarwisa vaHamu mumatende avo navaMeuniwo vaivapo vakavaparadza zvachose kusvikira nhasi. Ipapo vakazogarapo munzvimbo yavo nokuti paiva namafuro amakwai avo. 42Uye mazana mashanu avo vaiva vaSimeoni vachitungamirirwa naPeratia, Nearia, Refaya naUzieri, vanakomana vaIshi, vakandorwisa nyika yamakomo yeSeiri. 43Vakauraya vaAmareki vakanga vasara avo vakanga vapunyuka, uye vakagarapo kusvikira nhasi.

Currently Selected:

1 Makoronike 4: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy