YouVersion Logo
Search Icon

1 Makoronike 12

12
Varwi vanobatana naDhavhidhi
1Ava ndivo varume vakauya kuna Dhavhidhi paZikiragi achakavanda nokuda kwaSauro mwanakomana waKishi; uye ndivo vamwe vavarwi vakamubatsira muhondo. 2Vakanga vapakata uta uye vaigona kupfura miseve nezvimviriri noruoko rworudyi kana rworuboshwe; vaiva hama dzaSauro dzokurudzi rwaBhenjamini.
3Ahiezeri, mukuru wavo, naJoashi, vanakomana vaShemaya muGibheati;
Jezieri naPereti vanakomana vaAzimavheti;
Bheraka, Jehu muAnatoti, 4naIshimaya muGibheoni, aiva mhare pakati paMakumi Matatu; aiva mutungamiri waMakumi Matatu;
Jeremia, Jahazieri, Johanani; Jozabadhi muGedherati, 5Eruzai, Jerimoti, Bhearia, Shemaria naShafatia muHarufi;
6Erikana, Ishiya, Azareri, Joezeri naJashobheami vaKorahi;
7naJoera naZebhadhia vanakomana vaJehoramu vaibva kuGedhori.
8Vamwe vaGadhi vakazvitsaurawo vakaenda kwaiva naDhavhidhi kunhare yake kurenje. Vaiva varwi vakashinga, vakagadzirira kurwa uye vaigona kubata nhoo nepfumo. Zviso zvavo zvaiva zviso zveshumba, uye vaimhanya semharapara mumakomo.
9Ezeri ndiye aiva mukuru,
Obhadhia ari wechipiri, Eriabhi ari wechitatu,
10Mishimana wechina, Jeremia wechishanu,
11Atai wechitanhatu, Erieri wechinomwe,
12Johanani worusere, Erizabhadhi wechipfumbamwe,
13Jeremia wegumi naMakibhanai wegumi nomumwe.
14VaGadhi ava ndivo vaiva vatungamiriri vamauto, mudiki ainge akaenzana nezana, uye mukuru ainge akaenzana nechiuru. 15Ivava ndivo vaya vakayambuka Jorodhani mumwedzi wokutanga parwainge rwakazara nokumahombekombe uye vakaita kuti vanhu vose vaigara mumipata, kumabvazuva nokumavirira, vatize.
16Vamwe vaBhenjamini navamwe varume vaibva kuJudha vakauyawo kuna Dhavhidhi munhare yake. 17Dhavhidhi akaenda kundosangana navo akati kwavari, “Kana mauya kwandiri norugare, kuzondibatsira, ndakagadzirira kuti mubatane neni. Asi kana mauya kuzonditengesa kuvavengi vangu iwo maoko angu asina kuita zvechisimba, Mwari wamadzibaba edu ngaazvione uye akutongei.”
18Ipapo Mweya wakauya pana Amasi mukuru waMakumi Matatu akati,
“Haiwa Dhavhidhi, tiri vako!
Haiwa mwanakomana waJese, tinewe!
Kubudirira, kubudirira ngakuve kwauri,
uye kubudirira ngakuve kuna vanokubatsira
nokuti Mwari wako achakubatsira.”
Saka Dhavhidhi akavagamuchira akavaita vatungamiri veboka ravarwi vake.
19Vamwe varume vokwaManase vakabatana naDhavhidhi paakaenda navaFiristia kundorwisa Sauro. Iye navanhu vake havana kubatsira vaFiristia nokuti, vapedza kubvunzana, vatongi vavo vakamudzosa vakati, “Zvichatiurayisa kana akazotitiza akandobatana namambo wake Sauro.” 20Dhavhidhi paakaenda kuZikiragi, ava ndivo vaiva varume vokwaManase vakabatana naye: Adhina, Jozabhadhi, Jedhieri, Mikaeri, Jozabhadhi, Erihu naZiretai, vatungamiri vemapoka echiuru muna Manase. 21Vakabatsira Dhavhidhi paairwisana namapoka amakororo, nokuti vose vakanga vari varwi vakashinga uye vaiva vatungamiri muhondo yake. 22Zuva nezuva varume vakauya kuzobatsira Dhavhidhi kusvikira ava nehondo huru kwazvo, sehondo yaMwari.
Vamwe vanobatana naDhavhidhi paHebhuroni
23Uku ndiko kuwanda kwavarume vakanga vakapakata zvombo kuti vandorwa, vakauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni kuti vatore umambo hwaSauro vahupe kwaari, sezvazvakanga zvarehwa naJehovha:
24Varume vokwaJudha vakanga vakapakata nhoo namapfumo vaiva zviuru zvitanhatu namazana masere uye akapakata zvombo kuti vandorwa;
25varume vokwaSimeoni, varwi vakanga vakagadzirira kundorwa vaiva zviuru zvinomwe nezana;
26varume vokwaRevhi zviuru zvina namazana matanhatu, 27pamwe chete naJehoyadha, mutungamiri wemhuri yaAroni aiva navarume zviuru zvitatu namazana manomwe, 28naZadhoki, murwi wechidiki aiva akashinga, navakuru vamapoka makumi maviri navaviri kubva kumhuri yake;
29varume vokwaBhenjamini, hama dzaSauro vaiva zviuru zvitatu vazhinji vavo vakanga vamboramba vachitevera Sauro kusvikira musi uyu;
30varume vokwaEfuremu varwi vakashinga vaiva nomukurumbira kwazvo kumhuri dzavo vaiva zviuru makumi maviri namazana masere;
31varume vokuhafu yorudzi rwaManase vakadanwa namazita avo kuti vauye vazogadza Dhavhidhi umambo vaiva zviuru gumi nezvisere;
32varume vokwaIsakari vainzwisisa nguva uye vaiziva kuti Israeri yaifanira kuitei, vaiva vakuru mazana maviri nehama dzavo dzose dzaiva pasi pavo;
33varume vokwaZebhuruni, varwi vaiziva, vakanga vakagadzirira kurwa nezvombo zvemhando dzose, vakauya kuzobatsira Dhavhidhi nomwoyo wakaperera, vaiva zviuru makumi mashanu;
34varume vokwaNafutari vaiva chiuru chavakuru vamapoka, pamwe chete nezviuru makumi matatu nezvinomwe zvavarume vakanga vakatakura nhoo namapfumo;
35varume vokwaDhani, vakanga vakagadzirira kurwa, zviuru makumi maviri nezvisere namazana matanhatu;
36varume vokwaAsheri, vakanga vane unyanzvi hwokurwa uye vakagadzirira kurwa, vaiva zviuru makumi mana;
37uye kubva kumabvazuva aJorodhani, varume vokwaRubheni, Gadhi nehafu yorudzi rwaManase vakanga vakapakata zvombo zvemhando dzose, vaiva zviuru zana namakumi maviri.
38Ava vose vaiva varume vokurwa vakazvipira kundorwa.
Vakauya paHebhuroni vakagadzirira zvizere kuzogadza Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri. Vamwe vaIsraeri vose vaiva nomwoyo mumwe chete wokuti vaite Dhavhidhi mambo. 39Varume vakagara mazuva matatu ipapo vaina Dhavhidhi vachidya uye vachinwa nokuti mhuri dzavo dzainge dzavavigira zvokudya. 40Uyewo, vavakidzani vavo vokure kwazvo kunyange kwaIsakari, kwaZebhuruni nokwaNafutari vakauya nezvokudya zviri pambongoro, ngamera, manyurusi nenzombe. Pakanga paine zvokudya zvizhinji kwazvo zvaiti upfu, makeke amaonde, makeke amazambiringa akaoma, waini, mafuta, nzombe, namakwai nokuti mufaro wakanga uripo pakati peIsraeri.

Currently Selected:

1 Makoronike 12: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy