YouVersion Logo
Search Icon

Mateo 1

1
Madziteteguru aJesu Kristu.
(Ruka 3:23–38)
1Mazita amadziteteguru aJesu Kristu, mŋanakomana waDavidi, mŋanakomana waAbrahama:
2Abrahama wakaɓereka Isaka; Isaka akaɓereka Jakobo; Jakobo akaɓereka Juda naʋanuŋuna ʋake; 3Juda akaɓereka Faresi naZara kumukadzi wake Tamari; Faresi akaɓereka Esromi; Esromi akaɓereka Arami; 4Arami akaɓereka Aminadabi; Aminadabi akaɓereka Nasoni; Nasoni akaɓereka Saremoni; 5Saremoni akaɓereka Boasi kumukadzi wake Rahabi; Boasi akaɓereka Obedi kumukadzi wake Rute; Obedi akaɓereka Jesi; 6Jesi akaɓereka mambo Davidi.
Davidi akaɓereka Soromoni kumukadzi waUria; 7Soromoni akaɓereka Roboami; Roboami akaɓereka Abia; Abia akaɓereka Asafa; 8Asafa akaɓereka Josafati; Josafati akaɓereka Joramu; Joramu akaɓereka Ozia; 9Ozia akaɓereka Jotamu; Jotamu akaɓereka Ahazi; Ahazi akaɓereka Ezekia; 10Ezekia akaɓereka Manase; Manase akaɓereka Amoni; Amoni akaɓereka Josia; 11Josia akaɓereka Jekonia naʋanuŋuna ʋake neŋguʋa yokutapxa kwaʋo Babironi.
12Shure kwokutapxa kwaʋo Babironi Jekonia akaɓereka Saratieri; Saratieri akaɓereka Zorobaberi; 13Zorobaberi akaɓereka Abiudi; Abiudi akaɓereka Eriakimi; Eriakimi akaɓereka Azori; 14Azori akaɓereka Sadoki; Sadoki akaɓereka Akimi; Akimi akaɓereka Eriudi; 15Eriudi akaɓereka Ereazari; Ereazari akaɓereka Matani; Matani akaɓereka Jakobo; 16Jakobo akaɓereka Josefa, murume waMaria, iye akaɓereka Jesu, unonzi Kristu.
17Naiɀoɀo marudzi ose kubva kunaAbrahama kuȿikira kunaDavidi aiʋa marudzi anegumi namanna; kubva kunaDavidi kuȿikira pakutapxa Babironi marudzi anegumi namanna; kubva pakutapxa Babironi kuȿikira kunaJesu Kristu marudzi anegumi namanna.
Kuɓerekwa kwaJesu Kristu.
18Kuɓerekwa kwaJesu Kristu kwaiʋa kuɗai: Maria, mai ʋake, wakati anyeŋgwa naJosefa, ʋasati ʋasoŋgana, wakaʋonekwa aʋa nemimba noMŋeya Mutȿene. 19Ɀino Josefa, murume wake, ɀaakaŋga ari munhu wakarurama, asiŋgaɗi kumunyadzisa, wakafuŋga kumurega cinyararire. 20Ɀino wakati acaraŋgarira iɀoɀo, tarira, mutumŋa waShe akaɀiratidza kwaari pakurota, akati: Josefa, mŋanakomana waDavidi, usatya kutora Maria, mukadzi wako; nokuti cakagamucidzwa mukati make ndecoMŋeya Mutȿene. 21Iye ucaɀara mŋanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu; nokuti ndiye ucaponesa ʋanhu ʋake paɀiʋi ɀaʋo. 22Iɀoɀo ɀose ɀakaitwa kuti ɀiitike ɀakarebga naShe, nomuromo womuprofita, aciti:
23Tarira, mhandara icaʋa nemimba,
icaɀara mŋanakomana,
Ʋacamutumidza zita rinonzi Emanueri;
ndokuti kana ɀicishandurwa: Mŋari unesu. 24ino Josefa akamuka pahope dzake akaita seɀaakarairwa nomutumŋa waShe, akatora mukadzi wake; 25akasamuziʋa kuȿikira aɀara mŋanakomana wake weɗaŋgwe, ndokumutumidza zita rinonzi Jesu.

Currently Selected:

Mateo 1: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy