YouVersion Logo
Search Icon

Zefania 1

1
1Shoko raJehovha rakasvika kuna Zefania, mwanakomana waKushi, mwanakomana waGedharia, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waHezekia, pamazuva okutonga kwaJosia mwanakomana waAmoni mambo weJudha richiti:
Yambiro yokuuya kwoKuparadzwa
2“Ndichatsvaira zvose
kubva pamusoro penyika,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
3“Ndichatsvaira zvose vanhu nemhuka;
ndichatsvaira shiri dzedenga nehove dzegungwa.
Vakaipa vachasara nemirwi yamarara chete,
kana ndabvisa munhu pamusoro penyika,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
Kurwiswa kweJudha
4Ndichatambanudza ruoko rwangu kuti ndirwise Judha
uye ndicharwisa vose vanogara muJerusarema.
Ndichaparadza kubva panzvimbo ino vose vakasara vaBhaari,
mazita avaprista vechihedheni vanonamata zvifananidzo,
5vaya vanopfugama pamusoro pedzimba
kuti vanamate nyeredzi dzedenga,
vaya vanopfugama vachipika naJehovha
uye vanopikawo naMoreki,
6vaya vanotsauka kubva pakutevera Jehovha
uye vasingatsvaki Jehovha kana kubvunza kwaari.
7Nyararai pamberi paIshe Jehovha,
nokuti zuva raJehovha rava pedyo.
Jehovha agadzirira chibayiro;
akavaita vatsvene, vaya vaakakoka.
8Pazuva rechibayiro chaJehovha,
ndicharova machinda
navanakomana vamambo,
navaya vose vakapfeka
nguo dzavatorwa.
9Pazuva iro ndicharanga
vose vanonyenyeredza kuti vasatsika paburiro,
vanozadza temberi yavamwari vavo
nechisimba nounyengeri.
10“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha,
“kuchema kuchanzwikwa kubva kuSuo reHove,
kuungudza kubva kuRutivi Rutsva rweguta,
nokukoromoka kukuru kubva kuzvikomo.
11Ungudzai imi munogara munharaunda yomusika,
vashambadzi venyu vose vachaparadzwa,
vose vanotengesa nesirivha vachaparadzwa.
12Panguva iyoyo ndichanzvera Jerusarema nomwenje;
uye ndicharanga vaya vagere zvavo,
vakaita sewaini yakasiyiwa mumasese ayo,
vanofunga kuti, ‘Jehovha hapana zvaangaita,
zvakanaka kana zvakaipa.’
13Upfumi hwavo huchapambwa,
dzimba dzavo dzichaputswa,
vachavaka dzimba,
asi havangagari madziri;
vachasima minda yemizambiringa,
asi havanganwi waini yacho.
Zuva Guru raJehovha
14“Zuva guru raJehovha rava pedyo,
pedyo, uye riri kuuya nokukurumidza.
Teererai! Kuchema pazuva raJehovha kucharwadza,
kuchema kwemhere ipapo.
15Zuva iro richava rokutsamwa,
zuva rokudzungaira nokumanikidzwa,
zuva rokutambudzika nokuparadzwa,
zuva rerima nokusuwa, zuva ramakore nezarima.
16Zuva rehwamanda nemhere yehondo yokurwisa maguta akakomberedzwa namasvingo, nokurwisa shongwe dzomumakona.
17Ndichauyisa kudzungaira pavanhu
uye vachafamba samapofu,
nokuti vakatadzira Jehovha.
Ropa ravo richadururwa seguruva,
uye nyama yavo sendove.
18Sirivha yavo kana goridhe ravo
hazvingagoni kuvaponesa,
pazuva rokutsamwa kwaJehovha.
Mumoto wegodo rake
nyika yose ichaparadzwa,
nokuti achauyisa magumo pakarepo
kuna vose vanogara panyika.”

Currently Selected:

Zefania 1: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy