YouVersion Logo
Search Icon

Tito 1

1
1Pauro, muranda waMwari nomupostori waJesu Kristu nokuda kwokutenda kwavasanangurwa vaMwari nokuziva chokwadi chinotungamirira kuumwari, 2kutenda nokuziva kunobva patariro youpenyu husingaperi, hwakapikirwa naMwari, iye asingatongonyepi, akavimbisa idzo nguva dzisati dzavapo, 3panguva yake yakatarwa akazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nokurayira kwaMwari Muponesi wedu, 4kuna Tito, mwanakomana wangu chaiye pakutenda kwedu tose:
Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Muponesi wedu.
Basa raTito paKirete
5Ndakakusiya paKirete kuti upedzise zvakasara zvisina kupera uye kuti ugadze vakuru mumaguta ose, sezvandakakurayira. 6Mukuru anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, munhu ane vana vanotenda uye vasingapiwi mhosva yokuti havazvidzori kana kuti havateereri. 7Sezvo mutariri akapiwa basa raMwari, anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, asingakurumidzi kutsamwa, asingadhakwi, asingarwi, asingafariri pfuma yakaipa. 8Asi anoitira vaeni rudo, munhu anoda zvakanaka, anozvidzora, akarurama, mutsvene uye anozvibata. 9Anofanira kubatisisa shoko rechokwadi sezvarakadzidziswa, kuitira kuti agokurudzira vamwe nedzidziso yakarurama uye agodzivisa vaya vanoipikisa.
10Nokuti kune vazhinji vasingateereri vanongotaura zvisina maturo uye vanyengeri, zvikuru sei vaya veboka rokudzingiswa. 11Vanofanira kunyaradzwa miromo yavo, nokuti vari kuparadza mhuri dzizere vachidzidzisa zvinhu zvavasingafaniri kudzidzisa, uye vachizviita kuti vawane pfuma yakaipa. 12Kunyange mumwe wavaprofita wavo akati, “VaKirete vanogara vachireva nhema, zvikara zvakaipa, simbe dzinokara.” 13Uchapupu uhu ndohwechokwadi. Naizvozvo vatsiure zvikuru, kuti varurame pakutenda 14uye kuti varege kuteerera ngano dzavaJudha, kana kurayira kwavanhu vakaramba chokwadi. 15Kune vakachena, zvinhu zvose zvakachena, asi kuna avo vakaora uye vasingatendi, hakuna chinhu chakachena. Asi kutoti zvose pfungwa dzavo nehana dzavo zvakaora. 16Vanoti vanoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo. Vanonyangadza, havateereri uye havana kufanirwa nokuita chinhu chakanaka.

Currently Selected:

Tito 1: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy