YouVersion Logo
Search Icon

Johani 1

1
Shoko Rakava Nyama
1Pakutanga pakanga pane Shoko, uye Shoko rakanga riri kuna Mwari, uye Shoko rakanga riri Mwari. 2Iye aiva kuna Mwari kubva pakutanga.
3Zvinhu zvose zvakaitwa kubudikidza naye; kunze kwake hakuna kana chinhu chakaitwa pane izvo zvakaitwa. 4Maari maiva noupenyu, uye upenyu ihwohwo hwaiva chiedza chavanhu. 5Chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchikunda.
6Pakanga pano murume akatumwa achibva kuna Mwari; zita rake rainzi Johani. 7Iye akauya sechapupu kuzopupurira chiedza chiya, kuitira kuti vanhu vatende kubudikidza naye. 8Akanga asiri iye chiedza pachake; akauya chete ari sechapupu kuchiedza. 9Chiedza chezvokwadi chinovhenekera vanhu vose chainge chichizouya munyika.
10Akanga ari munyika, uye kunyange nyika yakaitwa kubudikidza naye, nyika haina kumuziva. 11Akauya kuna avo vakanga vari vake, asi vokwake havana kumugamuchira. 12Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari, 13vana vasina kuberekwa neropa kana nokufunga kwomunhu kana nokuda kwomurume, asi vakaberekwa naMwari.
14Shoko rakava nyama uye rakagara pakati pedu. Takaona kubwinya kwake, kubwinya kwaIye Mumwe Oga, akabva kuna Baba, azere nenyasha uye nechokwadi.
15Johani anopupura nezvake. Anodanidzira achiti, “Uyu ndiye uya wandakati, ‘Anouya mumashure mangu anondipfuura ini nokuti akanditangira.’ ” 16Kubva pakuzara kwake takagamuchira nyasha pamusoro penyasha. 17Nokuti murayiro wakapiwa kubudikidza naMozisi; nyasha nezvokwadi zvakauya kubudikidza naJesu Kristu. 18Hakuna akamboona Mwari, asi Mwanakomana Iye Mumwe Oga, ari pachipfuva chaBaba, akaita kuti azivikanwe.
Johani Mubhabhatidzi Anoti Haasi Iye Kristu
19Zvino uku ndiko kwaiva kupupura kwaJohani vaJudha veJerusarema pavakatuma vaprista navaRevhi kuti vanomubvunza kuti iye aimbova ani. 20Haana kurega kupupura, asi akanyatsopupura pachena achiti, “Handisini Kristu.”
21Vakamubvunza vakati, “Zvino ndiwe aniko? Ndiwe Eria here?”
Iye akati, “Handizi iye.”
“Uri muprofita here?”
Akapindura akati, “Kwete.”
22Pakupedzisira vakati, “Ndiwe aniko? Tipindure tigondotaurira vatituma. Unozviti aniko?”
23Johani akapindura namashoko omuprofita Isaya achiti, “Ndini inzwi reanodana murenje, richiti, ‘Ruramisai nzira yaShe.’ ”
24Zvino vamwe vaFarisi vakanga vatumwa 25vakamubvunza vachiti, “Seiko zvino uchibhabhatidza kana usiri Kristu, kana Eria kana Muprofita?”
26Johani akapindura akati, “Ini ndinobhabhatidza nemvura, asi pakati penyu pamire mumwe wamusingazivi. 27Ndiye anouya shure kwangu, handikodzeri kusunungura rukanda rweshangu dzake.”
28Izvi zvose zvakaitika paBhetani mhiri kwaJorodhani, uko kwaibhabhatidzira Johani.
Jesu Gwayana raMwari
29Chifume chamangwana Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa chivi chenyika! 30Ndiye wandaireva pandakati, ‘Murume anouya shure kwangu akandipfuura nokuti akanditangira.’ 31Ini pachangu ndakanga ndisingamuzivi, asi zvandakauyira ndichibhabhatidza nemvura ndezvokuti iye aratidzwe kuIsraeri.”
32Ipapo Johani akapupura uchapupu uhu achiti, “Ndakaona mweya achiburuka kubva kudenga akaita senjiva akamhara pamusoro pake. 33Ndingadai ndisina kumuziva, asi uya akandituma kuti ndizobhabhatidza nemvura ndiye akandiudza achiti, ‘Murume uyo waunoona Mweya achiburuka achigara paari, ndiye achazovabhabhatidza noMweya Mutsvene.’ 34Ndazviona uye ndinopupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.”
Vadzidzi Vokutanga vaJesu
35Chifume chamangwana Johani akanga aripozve navadzidzi vake vaviri. 36Akati achiona Jesu achipfuura akati, “Tarirai, Gwayana raMwari!”
37Vadzidzi vaviri vakati vachimunzwa achitaura izvi, vakatevera Jesu. 38Jesu akatendeuka akavaona vachitevera akavabvunza akati, “Munodeiko?”
Ivo vakati, “ ‘Rabhi’ (ndiko kuti Mudzidzisi), munogarepiko?”
39Akapindura akati, “Uyai muzokuona.”
Saka vakaenda vakandoona paaigara, vakaswera naye kwezuva rimwe chete. Yakanga iri nguva inenge yegumi.
40Andirea mununʼuna waPetro, ndiye mumwe wavaviri vakanga vanzwa zvakanga zvarehwa naJohani uye vakanga vatevera Jesu. 41Chinhu chokutanga chakaitwa naAndirea ndechokuti akatsvaka Simoni mukoma wake akati kwaari, “Tamuwana Mesiya” (ndiko kuti Kristu). 42Uye akauya naye kuna Jesu.
Jesu akatarisa kwaari akati, “Ndiwe Simoni mwanakomana waJohani. Iwe uchanzi Kefasi” (ndiko kuti, kana zvichishandurwa, Petro).
Jesu Anodana Firipi naNatanieri
43Zuva rakatevera Jesu akafunga zvokuenda kuGarirea. Akati awana Firipi akati kwaari, “Nditevere.”
44Firipi, aibvawo kuguta reBhetisaidha saAndirea naPetro, 45Firipi akawana Natanieri akati kwaari, “Tamuwana uya akanyorwa nezvake naMozisi muMurayiro, uyewo akanyorwa nezvake navaprofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.”
46Natanieri akati, “Nazareta! Pane chinhu chakanaka chingabva kuNazareta here?”
Firipi akati, “Uya uone.”
47Jesu akati achiona Natanieri achiuya, akati kwaari, “Houno muIsraeri wechokwadi, asina kunyengera maari.”
48Natanieri akamubvunza akati, “Mandiziva seiko?”
Jesu akapindura akati, “Ndakuona pawanga uri pasi pomuonde Firipi asati akudana.”
49Ipapo Natanieri akati, “Rabhi, ndimi Mwanakomana waMwari; ndimi Mambo weIsraeri.”
50Jesu akati, “Unotenda nokuti ndakuudza kuti ndakuona uri pasi pomuonde. Uchaona zvinhu zvikuru kupinda izvozvo.” 51Ipapo akatizve, “Ndinokuudzai chokwadi, muchaona denga richizaruka, uye vatumwa vaMwari vachikwira nokuburuka pamusoro poMwanakomana woMunhu.”

Currently Selected:

Johani 1: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy