YouVersion Logo
Search Icon

Mapisarema 24

24
Pisarema 24
Pisarema raDhavhidhi.
1Nyika ndeyaJehovha, nezvose zviri mairi,
nyika, navose vanogaramo;
2nokuti akaiteya pamusoro pamakungwa
uye akaisimbisa pamusoro pemvura zhinji.
3Ndianiko angakwira pachikomo chaJehovha?
Ndianiko angamira panzvimbo yake tsvene?
4Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka,
asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo,
kana kupika nhema.
5Iye achagamuchira makomborero anobva kuna Jehovha
nokururamiswa kunobva kuna Mwari woruponeso rwake.
6Ivava ndivo rudzi rwaavo vanomutsvaka,
ivo vanotsvaka chiso chenyu, imi Mwari waJakobho. Sera
7Simudzai misoro yenyu, imi masuo;
muisimudze, imi makonhi akare,
kuti Mambo wokubwinya apinde.
8Ndianiko uyu Mambo wokubwinya?
Ndiye Jehovha ane simba noumhare,
Jehovha ane simba pakurwa.
9Simudzai misoro yenyu, imi masuo;
muasimudze, imi makonhi akare,
kuti Mambo wokubwinya apinde.
10Ndianiko, uyu Mambo wokubwinya?
Jehovha Wamasimba Ose,
ndiye Mambo wokubwinya. Sera

Currently Selected:

Mapisarema 24: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in