YouVersion Logo
Search Icon

Genesisi 11

11
Shongwe yeBhabheri
1Zvino nyika yose yakanga ino rurimi rumwe chete nokutaura kwakafanana. 2Vanhu vakati vachitamira kumabvazuva, vakawana bani romuShinari vakagaramo.
3Vakataurirana vakati, “Uyai, ngatiitei zvidhina tigozvipisa kwazvo.” Vakashandisa zvidhina pachinzvimbo chamabwe, uye bhitumini ikava dhaka ravo. 4Ipapo vakati, “Uyai, ngatizvivakirei guta neshongwe inosvika kudengadenga, kuti tizviitire mukurumbira uye kuti tirege kupararira panyika yose.”
5Asi Jehovha akaburuka pasi kuti azoona guta neshongwe yakanga ichivakwa navanhu. 6Jehovha akati, “Kana vanhu ava vava somunhu mumwe, vachitaura rurimi rumwe chete, vakatanga kuita izvi, zvino hapana chinhu chavanoronga kuti vachiite chichavaomera. 7Uyai, ngatiburukei tindovapesanisa mutauro wavo kuti varege kunzwisisana.”
8Saka Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose ipapo, uye vakarega kuvaka guta. 9Ndokusaka nzvimbo iyo yakanzi Bhabheri, nokuti ipapo Jehovha akapesanisa mutauro wenyika yose. Kubva ipapo Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose.
Kubva kuna Shemu kusvikira kuna Abhurama
10Iyi ndiyo rondedzero yamarudzi aShemu.
Makore maviri shure kwamafashamu, Shemu paakanga ava namakore zana okuberekwa, akabereka Afakisadhi. 11Uye shure kwokubereka Afakisadhi, Shemu akararama kwamakore mazana mashanu uye akava navamwe vanakomana navanasikana.
12Afakisadhi akati ava namakore makumi matatu namashanu okuberekwa, akabereka Shera. 13Uye shure kwokubereka kwake Shera, Afakisadhi akararama kwamakore mazana mana namatatu uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.
14Shera akati ava namakore makumi matatu okuberekwa, akabereka Ebheri. 15Uye shure kwokubereka kwake Ebheri, Shera akararama kwamakore mazana mana namatatu uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.
16Ebheri akati ava namakore makumi matatu namana okuberekwa, akabereka Peregi. 17Uye shure kwokubereka kwake Peregi, Ebheri akararama kwamakore mazana mana namakumi matatu uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.
18Peregi akati ava namakore makumi matatu, okuberekwa akabereka Reu. 19Uye shure kwokubereka kwake Reu, Peregi akararama kwamakore mazana maviri namapfumbamwe uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.
20Reu akati ava namakore makumi matatu namaviri okuberekwa, akabereka Serugi. 21Uye shure kwokubereka kwake Serugi, Reu akararama kwamakore mazana maviri namanomwe uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.
22Serugi akati ava namakore makumi matatu okuberekwa, akabereka Nahori. 23Uye shure kwokubereka kwake Nahori, Serugi akararama kwamakore mazana maviri uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.
24Nahori akati ava namakore makumi maviri namapfumbamwe okuberekwa, akabereka Tera. 25Uye shure kwokubereka kwake Tera, Nahori akazorarama kwamakore zana negumi namapfumbamwe uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.
26Shure kwokunge Nahori ava namakore makumi manomwe okuberekwa, akabereka Abhurama, Nahori naHarani.
27Iyi ndiyo rondedzero yavana vaTera.
Tera akabereka Abhurama, Nahori naHarani. Uye Harani akabereka Roti. 28Baba vake Tera vachiri vapenyu Harani akafira muUri ravaKaradhea, munyika yaakaberekerwa, 29vose vari vaviri Abhurama naNahori vakawana. Zita romukadzi waAbhurama rainzi Sarai, uye zita romukadzi waNahori rainzi Mirika; akanga ari mwanasikana waHarani, baba vaMirika naIsika. 30Zvino Sarai akanga asingabereki; akanga asina vana.
31Tera akatora mwanakomana wake Abhurama, muzukuru wake Roti, mwanakomana waHarani, nomuroora wake Sarai, mukadzi womwanakomana wake Abhurama, uye vakaenda kuUri yavaKaradhea pamwe chete kuti vaende kuKenani. Asi vakati vasvika paHarani, vakagara ipapo.
32Tera akararama kwamakore mazana maviri namashanu, uye akafira paHarani.

Currently Selected:

Genesisi 11: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy