YouVersion Logo
Search Icon

Nziyo 24

24
Rwiyo rwaDhavhidhi.
Kupinda kwaMwari Mambo muTemberi
1Nyika ndeyaTENZI nazvose zviri mairi,
pasi pose zvapo navanhu vanogarapo ndezvake
2nokuti akaidzika mumakungwa,
akaimisa panzizi.
3Ndiani angakwire mugomo raTENZI?
Ndiani angamire munzvimbo yake inoera?
4Munhu ana maoko akachena nomwoyo wakachena.
Munhu asina kupika neni nhando
kana kupika nhema.
5Achawana chikomborero chinobva kuna TENZI
achanzi munhu akarurama naMwari mununuri wake.
6Ndizvo zvakaita chizvarwa chinomutsvaka
chinotsvaka uso hwaMwari waJakobho.
Dzepfunde.
7Imi misuo mikuru, pamusoro penyu ngapasimuke
mureberere kumusoro imi misuo yechinyakare
kuitira kuti mambo wembiri apinde.
8Ndiani Mambo wembiri?
NdiTENZI ane simba nougamba.
TENZI gamba romuhondo.
9Imi misuo mikuru pamusoro penyu ngapasimuke
mureberere pamusoro imi misuo yechinyakare
kuitira kuti Mambo wembiri apinde.
10Ndiani iyeyo mambo wembiri?
TENZI wehondo nehondo
ndiye Mambo wembiri.
Dzepfunde.

Currently Selected:

Nziyo 24: SCLBD

Highlight

Share

Compare

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in