YouVersion Logo
Search Icon

Johani 1

1
Izwi rakava munhu
1Pakutanga Izwi rakanga riripo, Izwi rakanga riri kuna Mwari, Izwi rakanga riri Mwari. 2Irori pakutanga rakanga riri kuna Mwari. 3Zvinhu zvose zvakaitwa naye; kunze kwake hakuna kuitwa kunyange chinhu chimwe chakaitwa. 4Upenyu hwaiva maari; upenyu hwaiva chiedza chavanhu. 5Chiedza chinovhenekera murima; asi rima harina kugona kuchikunda.
6Kwakanga kune munhu akatumwa naMwari, zita rake rainzi Johani. 7Iye akauya kuzopupura, kuti apupurire chiedza, kuti vose vatende naye. 8Uyu akanga asati ari icho chiedza, asi akatumwa kuti apupurire chiedza. 9Ichi chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu mumwe nomumwe, pakusvika kwake panyika.
10Akanga ari panyika, asi nyika haina kumuziva. 11Akauya kunezvake, asi vanhu vake havana kumugamuchira. 12Asi vose vakamugamuchira, akavapa simba kuti vave vana vaMwari, ivavo vanotenda kuzita rake; 13avo vasina kuberekwa neropa, kana nokuda kwenyama, kana nokuda kwomurume, asi naMwari.
14Izwi rakazova munhu, rikagara pakati pedu, tikaona kubwinya kwake, kubwinya sokwowakaberekwa mumwechete wababa, azere nenyasha nechokwadi.
15Johani akamupupurira, akadanidzira, achiti, “Ndiye wandaireva, ndichiti, ‘Uyo, anouya shure kwangu, akavapo mberi kwangu; nokuti akanditangira.’ ”
16Nokuti pakuzara kwake isu tose takapiwa nyasha pamusoro penyasha.
17Nokuti murayiro wakapiwa naMosesi, nyasha nechokwadi zvakauya naJesu Kristu. 18Hakuna munhu akatongoona Mwari; mwanakomana akabereka ari mumwe oga, ari pachifuva chababa, ndiye akamuzivisa isu.
Kupupura kwaJohani Mubhabhatidzi
(Mateu 3:1-12; Mako 1:1-8; Ruka 3:1-18)
19Uku ndiko kupupura kwaJohani, musi vaJudha vakatumira kwaari vapristi navaRevhi, vachibva Jerusaremu, kundomubvunza, kuti, “Iwe ndiwe aniko?”
20Akatenda pachena, haana kuramba, akatenda pachena, achiti, “Handisi Kristu.”
21Vakamubvunza, vachiti, “Asi kudiniko? Ndiwe Eria here?” Akati, “Handisi iye.” “Ko uri uya muporofita here?” Akapindura, akati, “Kwete.” 22Zvino vakati kwaari, “Ndiwe aniko? Tigondopindura vakatituma. Unozviti aniko?” 23Akati, “Ndini izwi roanodana murenje, richiti, ‘Ruramisai nzira yaIshe; sezvakarehwa nomuporofita Isaya.’ ”
24Ava vakanga vatumwa vaiva vavaFarisi. 25Vakamubvunza, vakati kwaari, “Kana usiri Kristu, kana Eria, kana muporofita uya, unogobhabhatidzireiko?”
26Johani akapindura, akati, “Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire mumwe wamusingazivi; 27ndiye anouya shure kwangu, wandisina kufanira kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake.”
28Izvozvi zvakaitwa paBhetania, mhiri kwaJorodhani, kwaibhabhatidza Johani.
29Ava mangwana akaona Jesu achiuya kwaari, akati, “Tarirai, Hwayana yaMwari, inobvisa zvivi zvenyika. 30Ndiye wandaireva, ndichiti, ‘Shure kwangu kunouya mumwe, akavapo mberi kwangu, nokuti akanditangira.’ 31Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi ndizvo zvandakauyira, ndichibhabhatidza nemvura, kuti aoneswe kuvaIsiraeri.”
32Johani akapupura, akati, “Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva akagara pamusoro pake. 33Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi akandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye akati kwandiri, ‘Uyo waunoona Mweya achiburuka pamusoro pake, akagara pamusoro pake, ndiye anobhabhatidza noMweya Mutsvene.’
34“Ini ndikaona, ndikapupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.”
Vadzidzi vokutanga
35Ava mangwanazve Johani akanga amire navadzidzi vake vaviri; 36akatarisisa Jesu achifamba, akati, “Tarirai, Hwayana yaMwari!” 37Ivavo vadzidzi vaviri, vakamunzwa achitaura, vakatevera Jesu. 38Jesu akatendeuka akavaona vachitevera, akati kwavari, “Munotsvakeiko?” Vakati kwaari, “Rabhi” (ndokuti, “Mudzidzisi, kana zvichishandurwa,”) munogarepiko? 39Akati kwavari, “Uyai, muone.” Vakaenda, vakandoona kwaaigara, vakagara naye zuva iro; yakanga iri nguva inenge yegumi. 40Mumwe waivavo vaviri, vakanga vanzwa Johani, vakamutevera, waiva Andireya, munun'una waSimoni Petirosi. 41Iye akatanga kuwana Simoni, mukoma wake, akati kwaari, “Tawana Mesiasi” (ndokuti, “Kristu, kana zvichishandurwa.”) 42Akamuisa kuna Jesu. Jesu akamutarira, akati, “Ndiwe Simoni, mwanakomana waJona, uchanzi Kefasi zvinoshandurwa, dombo.”
43Ava mangwana akada kuenda Gariria, akawana Firipi; Jesu akati kwaari, “Nditevere.” 44Firipi akanga ari weBhetisaidha, guta raAndireya naPetirosi.
45Firipi akawana Nataneri, akati kwaari, “Tamuwana iye, akanyorwa zvake naMosesi mumurayiro navaporofita, iye Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.” 46Nataneri akati kwaari, “Kune chinhu chakanaka chingabva Nazareta here?” Firipi akati kwaari, “Uya, uone.”
47Jesu akaona Nataneri achiuya kwaari, akamuti, “Tarirai, muIsiraeri wechokwadi, asina kunyengera maari.”
48Nataneri akati kwaari, “Mandizivirepiko?” Jesu akapindura, akati kwaari, “Firipi asati akudana, uri munyasi momuonde, ndakakuona.”
49Nataneri akamupindura, akati, “Rabhi, ndimi Mwanakomana waMwari, ndimi Ishe waIsiraeri.”
50Jesu akapindura, akati kwaari, “Unotenda iwe, nokuti ndakati kwauri, ndakakuona munyasi momuonde here? Uchazoona zvikuru kuna izvozvi.” 51Akati kwaari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, uchaona kudenga kwazarurwa, navatumwa vaMwari vachikwira, nokuburukira pamusoro poMwanakomana womunhu.”

Currently Selected:

Johani 1: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy