YouVersion Logo
Search Icon

Mapisarema 61

61
Dhavhidhi anovimba naMwari pakutambudzika kwake
Kumutungamiriri wokuimba; nomutengeranwa. Pisarema raDhavhidhi.
1Inzwai kuchema kwangu, Mwari,
Teererai munyengetero wangu.
2Ndichadana kwamuri ndiri pamugumo wapasi,
kana mwoyo wangu waziya;
Ndiperekedzerei kudombo randisingasvikiri.
3Nokuti imi makanga muri utiziro hwangu,
Neshongwe yangu yakasimba kwandingatiza muvengi wangu.
4Ndichagara patende renyu nokusingaperi;
Ndichavanda munyasi mamapapiro enyu.
5Nokuti imi Mwari makanzwa mhiko dzangu;
Makadzosa nhaka yavanotya zita renyu.
6Muchawedzera mazuva ohupenyu hwamambo;
Makore ake achaenzana naamarudzi mazhinji.
7Achagara pamberi paMwari nokusingaperi;
Mumugadzirire unyoro nezvokwadi,
kuti zvimuchengete.
8Naizvozvo ndichaimbira zita renyu
nziyo dzokurumbidza nokusingaperi,
Kuti ndiite mhiko dzangu zuva rimwe nerimwe.

Currently Selected:

Mapisarema 61: SNA2002

Highlight

Copy

Compare

Share

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in