YouVersion Logo
Search Icon

Johani 2

2
Jesu anoshandura mvura ikava waini
1Nezuva retatu muchato waivapo paKana yeGariria; namai vaJesu vakanga varipo. 2NaJesu navadzidzi vake vakanga vadanwawo kumuchato.
3Waini yakati ichizoshayikwa, mai vaJesu vakati kwaari, “Havachine waini.”
4Jesu akati kwavari, “Ndineiko nemi, mai? Nguva yangu ichigere kusvika.”
5Mai vake vakati kuvaranda, “Itai zvose zvaanokuudzai.”
6Zvino kwakanga kuna makate matanhatu amabwe, akanga aiswapo netsika yavaJudha yokuzvinatsa, rimwe nerimwe raizadzwa nezviero zviviri kana zvitatu. 7Jesu akati kwavari, “Zadzai makate nemvura.” Ivo vakaazadza kusvikira pamiromo. 8Akati kwavari, “Cherai zvino muise kumukuru womuchato.” Vakandoisa. 9Zvino mukuru womuchato wakati aravira mvura yakasanduka waini, asingazivi payabva, (asi varanda, vakanga vachera mvura, vaiziva), mukuru womuchato akadana muwani, 10akati kwaari, “Munhu mumwe nomumwe anositanga abudisa waini yakanaka, neisinganaki kana vanwa kwazvo; asi iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira zvino.”
11Ichi chiratidzo chake chokutanga Jesu akaita paKana yeGariria, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari.
12Shure kwaizvozvo akaburukira Kapenaume, iye namai vake navanun'una, navadzidzi vake; akagarapo mazuva mashomanane.
Jesu anonatsa temberi
(Mateu 21:12, 13; Mako 11:15-17; Ruka 19:45, 46)
13Pasika yavaJudha yakanga yava pedyo; zvino Jesu akakwira Jerusaremu. 14Akawana mutemberi vaitengesa mombe namakwai nenjiva, navaitsinhanha mari, vageremo. 15Akaruka tyava yorwonzi, akabudisa mutemberi makwai nemombe zvose; akaparadza mari yavaitsinhanha, nokuwisa matafura avo. 16Akati kuna vaitengesa njiva, “Bvisai zvinhu izvozvo muno; musaita imba yababa vangu imba yokutengesera.”
17Vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.”
18Zvino vaJudha vakapindura, vakati kwaari, “Ungatiratidza chiratidzo cheiko, zvaunoita zvinhu izvozvo?”
19Jesu akapindura, akati kwavari, “Putsai temberi iyi, ini ndichaimutsazve namazuva matatu.”
20Zvino vaJudha vakati, “Temberi iyi yakavakwa namakore ana makumi mana namatanhatu, zvino iwe ungaimutsa namazuva matatu here?”
21Asi iye akanga achireva temberi yomuviri wake.
22Zvino akati amutswa kuvakafa, vadzidzi vake vakayeuka, kuti akanga areva izvozvo; vakatenda Rugwaro neshoko rakanga rarehwa naJesu.
23Zvino nguva yaakanga ari Jerusaremu pamutambo wePasika, vazhinji vakatenda kuzita rake, vachiona zviratidzo zvaaiita. 24Asi Jesu haana kutendeseka navo, nokuti akanga achivaziva vose. 25Akanga asingatsvaki kuti munhu mumwe apupure zvomunhu; nokuti akanga achiziva iye zviri mumunhu.

Currently Selected:

Johani 2: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy