Ekisodho 15:23-25
Ekisodho 15:23-25 SNA2002
Vakasvika Mara, asi vakanga vasingagoni kunwa mvura yapaMara, nokuti yakanga ichivava; naizvozvo zita rapo rakanzi Mara. Zvino vanhu vakapopotera Mosesi, vakati, “Tichanweiko?” Iye akachema kuna Jehovha, Jehovha akamuratidza muti, akaukandira mumvura, mvura ikanaka. Akavaitirapo murayiro nomutemo, akavaedzapo





