YouVersion Logo
Search Icon

Mapisarema 12

12
Davidi unotȿaka kuɓatsirwa naMŋari, nokuti ʋanhu ʋanyeŋgeri.
Kumutuŋgamiriri wokuimba; namanzwi aʋarume. Pisarema raDavidi.
1Ƃatsirai, Jehova; nokuti ʋanoɗa Mŋari ʋopera;
Nokuti ʋakatendeka haʋaci’po pakati paʋana ʋaʋanhu.
2Ʋanotaura mumŋe nomumŋe ɀisinamaturo nowokwake;
Ʋanotaura nomuromo unoɓata kumeso, ʋuye nemŋoyo miʋiri.
3Jehova ucagura miromo yose inoɓata kumeso,
Norurimi runotaura ɀinhu ɀikuru;
4Iʋo ʋakati: Ticakunda norurimi rweɗu;
Miromo yeɗu ndeyeɗu pamakanda; ndianiko uŋgaʋa ishe weɗu?
5Nokuɗa kwokumanikidzwa kwaʋarombo, nokugomera kwaʋanoshaiwa,
Ndicamuka ɀino nokuɗa kwaiɀoɀo: ndiɀo ɀinotaura Jehova;
Ndicamuisa pakasimba ipo paanoshuʋa.
6Mashoko aJehova mashoko akacena;
Sesirveri yakaidzwa muɓisiro panyika,
Yakanatswa kanomŋe.
7Mucaʋaceŋgeta, Jehova,
Mucaʋaceŋgeta parudzi urwu nokusiŋgaperi.
8Ʋakaipa ʋanofamba pamatiʋi ose,
Kana ɀakashata ɀicikudzwa pakati paʋanakomana ʋaʋanhu.

Currently Selected:

Mapisarema 12: SUB1949

Highlight

Copy

Compare

Share

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in