1
Zvirevo 13:20
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Uyo anofamba navakachenjera achachenjerawo, asi shamwari yamapenzi ichakuvadzwa.
Compare
Explore Zvirevo 13:20
2
Zvirevo 13:3
Uyo anobata muromo wake anochengeta upenyu hwake, asi uyo anokurumidzira kutaura achaparadzwa.
Explore Zvirevo 13:3
3
Zvirevo 13:24
Anorega kushandisa shamhu anovenga mwanakomana wake, asi uyo anomuda anochenjerera kumuranga.
Explore Zvirevo 13:24
4
Zvirevo 13:12
Tariro kana ichinonoka inoodza mwoyo, asi chishuvo chazadziswa muti woupenyu.
Explore Zvirevo 13:12
5
Zvirevo 13:6
Kururama kunorinda munhu ane unhu hwakanaka, asi kuipa kunowisira mutadzi pasi.
Explore Zvirevo 13:6
6
Zvirevo 13:11
Mari yakawanikwa zvisakarurama ichakurumidza kupera, asi uyo anounganidza mari zvishoma nezvishoma achaita kuti iwande.
Explore Zvirevo 13:11
7
Zvirevo 13:10
Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara chete, asi uchenjeri hunowanikwa mune avo vanogamuchira kurayirwa.
Explore Zvirevo 13:10
8
Zvirevo 13:22
Munhu akanaka anosiyira vana vevana vake nhaka, asi upfumi hwomutadzi hunounganidzirwa vakarurama.
Explore Zvirevo 13:22
9
Zvirevo 13:1
Mwanakomana akachenjera anoteerera kurayira kwababa vake, asi mudadi haateereri kana achitsiurwa.
Explore Zvirevo 13:1
10
Zvirevo 13:18
Uyo anozvidza kurayirwa achava murombo uye achanyadziswa, asi ani naani anoteerera kurayirwa achakudzwa.
Explore Zvirevo 13:18