1
Johani 15:5
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
“Ini ndiri muzambiringa; imi muri matavi. Kana munhu akagara mandiri uye neni maari, achabereka zvibereko zvakawanda; kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.
Compare
Explore Johani 15:5
2
Johani 15:4
Garai mandiri, uye ini ndichagara mamuri. Hakuna davi rinobereka michero riri roga; rinofanira kugara mumuzambiringa. Nemi hamungabereki zvibereko kunze kwokunge magara mandiri.
Explore Johani 15:4
3
Johani 15:7
Kana muchigara mandiri uye mashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvose zvamunoda, uye muchazvipiwa.
Explore Johani 15:7
4
Johani 15:16
Imi hamuna kundisarudza, asi ndakakusarudzai uye ndikakugadzai kuti muende mugondobereka zvibereko, izvo zvibereko zvinogara. Ipapo Baba vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu.
Explore Johani 15:16
5
Johani 15:13
Hakuna munhu ano rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu hwake nokuda kweshamwari dzake.
Explore Johani 15:13
6
Johani 15:2
Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki vanoritema, asi davi rimwe nerimwe rinobereka michero vanorichekerera kuitira kuti rigozobereka michero yakawanda.
Explore Johani 15:2
7
Johani 15:12
Murayiro wangu ndouyu: Dananai, sezvo ini ndakakudai.
Explore Johani 15:12
8
Johani 15:8
Baba vangu vanokudzwa naizvozvo kuti mubereke zvibereko zvakawanda, muchizviratidza kuti muri vadzidzi vangu.
Explore Johani 15:8
9
Johani 15:1
“Ndini muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi.
Explore Johani 15:1
10
Johani 15:6
Kana munhu asingagari mandiri, akaita sedavi rakarasirwa kure rikaoma; matavi akadaro anotorwa, okandwa mumoto agopiswa.
Explore Johani 15:6
11
Johani 15:11
Ndakuudzai izvi kuitira kuti mufaro wangu uve mamuri uye kuti mufaro wenyu uve wakakwana.
Explore Johani 15:11
12
Johani 15:10
Kana muchiteerera mirayiro yangu, muchagara murudo rwangu, sezvandakateerera mirayiro yaBaba vangu uye ndikagara murudo rwavo.
Explore Johani 15:10
13
Johani 15:17
Uyu ndiwo murayiro wangu: Dananai.
Explore Johani 15:17
14
Johani 15:19
Dai manga muri venyika, ingadai ichikudai sezvainoda vayo. Zvino, hamusi venyika, asi ini ndakakusarudzai kuti mubude munyika. Ndokusaka nyika ichikuvengai.
Explore Johani 15:19
YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy
Home
Bible
Plans
Videos